Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inofanirwa Kusunga Dzisimbe Zvirongwa zveKufambiswa kweMashoko


Gurukota rinoona nezvehunyanzvi hwekufambiswa kwemashoko, Va Nelson Chamisa, vanoti hurumende iri kushomekerwa nemari yekupedzisa kudzika tsinga dzinofambisa mashoko pamatapureta mbozha. VaChamisa vanotiwo vanhukadzi ndivo vakawanda munyika vari kushandisa zvinhu zvakaita semafoni nematapureta mbozha.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neChipiri, VaChamisa vati hurumende haina mari yakakwana yekupedzisa basa rekudzika tsinga dzekufambiswa kwemashoko, optic fibre link, iyo yave kushandiswa pasi rose mukufambiswa kwemashoko padandemutande.

Kushaikwa kwemari iyi kunonzi kunogona kukonzera kuti Zimbabwe isaririre mumashure pasi rose munyaya dzezvekufambiswa kwemashoko sezvo optic fibre link iyi yave kushandiswawo zvakare munyika zhinji kuti veruzhinji vakwanise kuenda padandemutande vachishandisa nharembozha dzavo nezvimwe zvakadaro.

VaChamisa vanoti hurumende yanga yafamba zvikuru nebasa rekuisa optic fibre link iyi munzvimbo dzakawanda munyika uye chinangwa chavepo ndechekuti tsinga dzinofambisa mashoko idzi dzisvikewo kumaruwa.

VaChamisa vatiwo vanhukadzi ndivo vakawanda munyika vari kushandisa zvinhu zvehumhizha hwekufambiswa kwemashoko.

Nekuda kweizvi, VaChamisa vati hurumende yawona zvakakodzera kuti ipemberere zuva rezvekufambiswa kwemashoko kubudikidza nematapureta mbozha iine dingindira remadzimai.

Zuva rekucherechedza kufambiswa kwemashoko richapembererwa neChina kuBulawayo.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozani Khupe, ndivo vachange vari vari vanoremekedzwa pachiitiko ichi, icho chichaitirwa kuZimbabwe International Trade Fair mu Bulawayo makare.

XS
SM
MD
LG