Accessibility links

Breaking News

Rimwe Gweta Rinoti Hurumende neMakambani ekwaMarange Ngavataurirane Kwete Kuenda kuMatare


Gweta rinoona nezvemitemo mumabasa VaRogers Matsikidze vanoti hurumende inofanira kuita hurukuro kunze kwematare nemakambani ange achichera mangoda kwaMarange vachishandisa mutongi gava kana kuti “Alternative Dispute Resolution”.

Gweta rinoona nezvemitemo mumabasa, VaRogers Matsikidze, vanoti hurumende inofanira kuita hurukuro kunze kwematare nemakambani ange achichera mangoda kwaMarange vachishandisa mutongi gava kana kuti “Alternative Dispute Resolution”.

Izvi vati zvinobatsira nyika kuti irambe iine chimiro chakanaka kune vekunze vanenge vachida kutanga mabhizimisi munyika uye kumakambani aya vachiti mune remangwana vachadawo kuita mabhizimisi munyika.

Gurukota rinoona nezvicherwa, VaWalter Chidhakwa, vakati makambani ose ari kuchera mangoda ange abva kwaChiyadzwa mukati memwedzi mitatu vachiti vainge varamba kubatana vouya pasi pekambani yehurumende.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakatiwo makambani aya ainge awana mari inopfuura mabhiriyoni gumi nemashanu asi humende yakawana mabhiriyoni maviri kubva zvaakatanga kushanda.

Makambani aya akabva akwira kumatare achiti hurumende iri kutyora bumbiro remitemo nekuvatorera marezinesi.

Vanhu vakawanda munyika vanoti nekutatarika kuri kuta Zimbabwe kuwana mari, nehurumende yezimbabwe yaisaita zvehuori zvaibatsira nyika.

Vange vachichera mangoda vanosanganisa mapurisa, mauto, makambani ekuChina uye Dubai.

Hurukuro naVaRogers Matsikidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG