Accessibility links

Breaking News

United Nations Yobatsira Zimbabwe Kutsvaga Mari yeChikafu


Masangano anoshanda akazvimirira muZimbabwe achitungamirwa nebazi re United Nations rinoona nezvekubatsira vanhu neChipiri akaparura chirongwa chekutsvaka mamiriyoni zana nemakumi matatu emadhora ekuti abatsire nyika panyaya yenzara nezvimwe.

Vachiparura chirongwa ichi, mumiriri weUnited Nations muZimbabwe, VaAlain Noudehou, vati mari yavari kuda ishoma pane yavakatsvaga gore rapfuura nekuti zvinhu zviri kuita zvichinaka muZimbabwe.

Vati zvikamu makumi masere kubva muzana zvemari iyi zvichashandiswa mukutenga chikafu sezvo paine vanhu miriyoni nechidimbu vari kuda rubatsiro rwechifaku munyika.

Vati imwe inenge yasara ichashandiswa panyaya dzehutano, kuwanisa vanhu mvura yakachena pamwe nekubatsira vaye varukidzorwa kubva kunyika dzakaita seSouth Africa neBotswana.

Vatiwo masangano aya ari kushanda nebazi reCivil Protection Unity mukudzivirira njodzi dzinogona kuitika munyika vachiti homwe yavo yemari iyi kana kuti Emergency Response Fund ichagara iine mamiriyoni mashanu emadhora.

Munyori mubazi rezvekudyidzana nekushandira pamwe nedzimwe nyika, VaTadeous Chifamba, vatenda rubatsiro rwavari kuwana kubva kumasangano anopa rubatsiro asi vakati chave kudiwa neZimbabwe ikozvino rubatsiro rwebudiriro.

Vatiwo apo nyika yatarisana nesarudzo masangano aya haafaniri kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika akahwanda nekupa rubatsiro.

Mumiriri weNorway muZimbabwe, Amai Ingebjorg Stfring, vatiwo masangano aya anofanira kushanda zvakajeka asina divi raakarerekera.

Gore rapfura masangano aya akawana rubatsiro rwemazana maviri emamiriyoni emadhora anove zvikamu makumi masere nezvitatu zvemari yaaitsvaga.

Zimbabwe ndiyo yakawana rubatsiro rwakakura kudarika pasi rose pasi pechirongwa ichi chinodaidzwa kuti consolidated appeals process.

Gore rino Zimbabwe yakasandura zita rechirongwa ichi uye yave kuchidaidza kuti Zimbabwe Humanitarian Gaps.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG