Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba Voronga Kuramwa Mabasa Zvekare


Parirenyatwa Hospital
Parirenyatwa Hospital

Vanachiremba muzvipatara zvehurumende vanoti vanogona kukanda mapadza pasi panguva yakakosha zvikuru yekisimusi nenyaya yekunetsana kwavo nehurumende panyaya yemihoro.

Hurumende inoti iri kuda kubvisira vanachiremba mari yemazuva ose avakapedza vachiramwa mabasa.

Vanachiremba vakaratidzira kwemavhiki matatu kubva muna Gumiguru kusvika muna Mbudzi. Hurumende inoti mukuratidzira uku vamwe vanhu vakarasikirwa nehupenyu.

Asi panenge paramba paita ropa rakaipa pakati pavana chiremba nehurumende panyaya yemihoro kubva panguva iyi kusvika pari zvino.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Fotune Nyamande, vanoti vanogona kukanda mapadza pasi pazororo rekisimusi.

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr Paul Chimedza, vanoti hurumende haisi kuzodududza pakutorera vanachiremba mari nokuti pavairamwa basa vakanga vasingende kubasa

Hurukuro naDr Paul Chimedza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG