Hurumende inoti madzimai zviuru makumi manomwe ndivo chete vakabatwa vaine hutachiwana hweHIV/AIDS gore rino.
Mutevedzeri wemukuru anoona nezvekutapuriranwa kweHIV kubva kuna amai kuenda kuvana, kana kuti Prevention of Mother To Child Transmission, PMTCT, Dr Nyikadzino Mahachi, vanoti pamadzimai aya, vana vanosvika zvikamu zvipfumbamwe kubva muzana ndivo vakatapurirwa chirwere cheHIV naamai vavo.
Hurumende inoti uyu munongedzo wekuti zvirongwa zvawo zvekudzivirira kutapurirwa kwechirwere ichi kuvana huri kushanda.
Chirongwa ichi chakaparurwa muna 2001 nehurumende ichishanda nemasangano akazvimirira.
Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera veMDC-T, vanoti zviri kuitwa nehurumende zvinofadza uye chinangwa ndechekuti pasave kana nemwana mumwe anotapurirwa hutachiona naamai vake.