Vana chiremba vakuru kana kuti senior doctors vazivisa kuti vave kutangawo kuramwa mabasa muzvipatara zvehurumende vachinyunyuta kuti basa ravawandira uye kuti zvinhu muzvipatara hazvinawo kumira zvakanaka.
Vana chiremba vepasi nevepakati vakatanga kuramwa mabasa svondo rapera vachitiwo vanoda kuwedzerwa mari uye kuti vawaniswe zvikwanisiro muzvipatara zvakaita semishonga uye nhumbi dzekuzvidzivirira kuti vasatapurirwe zvirwere.
Vana chiremba vachangotanga basa vari kupihwa mari iri pasi pemazana matatu emadhora pamwedzi.
Nepamusana pekuramwa mabasa uku, varwere vakawanda muzvipatara zvinoti Parirenyatwa, Harare Central Hospital, United Bulawaypo Hospitals neMpilo Hospital vari kudzoserwa kumba.
Vari kubatsirwa chete ndevaya vanenge vachirwarwa zvakanyanyisa. Vanoda kuoparetwa vakawanda vanoti vari kupihwa mazuva ekumberi mberi.
Sangano ravana chiremba ava reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti riri mubishi kunyora tsamba yekuendesa kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
NeChina kwange kuine mumwe musangano pakati pesangano reHospital Service Board navana chiremba asi hapana chabuda.
Mutungamiri weZHDA Bulawayo Chapter, Dr Emmason Pazara, vanoti nhaurirano dziri kutora nguva yakareba.
Asi mukuru weHealth Service Board, Dr Lovemore Mbengeranwa, vanoti nhaurirano dzir kuenderera mberi.