Vana chiremba vari kuramwa mabasa vave kutarisirwa kukwidza zvichemo zvavo kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kana vadzoka kuVienna, Austria uko vari kushanya.
Mutsamba yavanyora kuvatori venhau, vana chiremba ava vanoti nhaurirano dzavari kuita nebazi rezvehutano, rezvemari pamwe neHealth Service Board dzinenge dzakona n’anga murapwa achida.
Tsamba yenyunyuto kumutungamiri wenyika inonzi iri kusvitswa neChina.
Vana chiremba ava vanoti vari kuda kuti mari dzavo dzemihoro dziwedzerwe uye kuti vawaniswe zvikwanisiro muzvipatara zvakaita semishonga nezvekupfeka kuzvidzivirira kutapurirwa zvimwe zvirwere.
Vana chiremba vakatanga kuratidzira svondo rapera nemuvhuro.
Pane mashoko ekuti vana mukoti vari kurongawo kuramwa mabasa. Vamwe vana chiremba vakuru vari pamabasa vaudza Studio 7 kuti basa ravawandira uye vave kudzorera vamwe varwere kudzimba.
Vamwewo vari kuenda kuzvipatara vaudzawo Studio7 kuti vari kudzorwa kumba mushure mekumira kwemaawa akawanda.
Sangano ravana chiremba ava reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti rine nhengo mazana mana muzvipatara zvikuru zvehurumende zvakaita seParirenyatwa, Harare Central, United Bulawayo Hospitals neMpilo.
Munyori mukuru musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaFarai Makoni, vanoti vanoda kudzokera kumabasa asi zvichemo zvavo zvinofanira kutanga zvagadziriswa.