Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanosangana neMukuru weUnicef Pasi Rose


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana neChina nemukuru wesangano reUnited Nations Children’s Fund, Unicef, VaAntony Lake, vaviri ava vakasimbaradza nyaya yerunyararo munyika senzira yekuchengetedza kodzero dzevana vadiki munguva yereferendamu nesarudzo.

Vachitaura muHarare mushure memusangano wavo, VaTsvangirai vati ivo naVaLake vataturawo nezverubatsiro rwuri kupihwa Zimbabwe muzvirongwa zvehurumende zviri kuitwa mumapazi ehutano, didzo, kuchengetedzwa kwevana pamwe nenyaya dzezveutsanana.

VaTsvangirai vatenda zvikuru basa guru riri kuitwa neUnicef munyika.

Vachitaurawo nevatori venhau, VaLake, avo vari kushanya munyika, vatsinhirawo kukosha kwerunyararo munyika vakati Zimbabwe yashanda zvikuru mukusimudzira hupenyu hwevanhu munyika makore mana apfuura. Vatiwo zvakakosha kuti izvi zvichengetedzwe.

VaLake vari kutaura navakuru vakuru muhurumende pamwe nekutenda hurumende nekushanda nesimba kwairi kuita mukusimudzira hupenyu hwevana.

VaLake vatiwo apo vachange vari munyika, vachange vachiona nemaziso avo basa riiri kuitwa nesangano reUnicef.

Vana vanosvika zana vanonzi vanofa zuva rega rega muZimbabawe nezvirwere zvakasiyana siyana. Unicef nemamwe masangano ari kushanda nesimba mukudzivirira kufa kwavana ava pamwe nemadzimai anenge akazvitakura.

VaLake vati Unicef icharamba ichibatsira Zimbabwe kuitira kuti isumudzire hutano hwevana munyika.

Nyaya Ina Sylvia Manika
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG