Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweGorosi Kuchaita Kuti Chingwa Chiite Chishoma muZimbabwe


Wheat
Wheat

Bazi rezvekurima rinoti kushayikwa kwemagetsi akakwana nevarimi kwave kukonzera kuti huwandu hwegorosi riri munyika huite hushoma zvingangoknzera kushayikwa kwechingwa muzvitoro.

Vachitaura pamusangano wezuva rimwe chete wevarimi nemapazi anowona nezvekurima pamwe nemhando dzemoto, mukuru anowona nezvehunyanzvi hwekurima mubazi rezvekurima, Va Rabson Gumbo, vati gorosi rave kurimwa munyika raderera zvikuru nepamusana pekushayikwa kwemagetsi nguva nenguva mumapurazi anorimwa gorosi iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Va Gumbo vati gorosi rekudiridzira zhinji riri kutadza kusvika zvakakwana nepamusana pekuti varimi havasi kuwana magetsi ekushandisa mukupomba mvura kuti iyende muminda inenge yakarimwa gorosi iri sezvo magetsi achigara asiko nguva zhinji.

Va Gumbo vati kushomeka kwegorosi kwave kukonzera kuti hurumende itenge gorosi kunze kwenyika zvinova zvinhu zvavati zviri kuomera hurumende.

Asi munyori mubazi rezvemhando dzemoto, Va Patson Mbiriri, vati hurumende iri kuedza pose painogona napo kuti varimi vagare vaine magetsi asi dambudziko riripo nderekuti vanoshandisa magetsi anozobhadharwa muripo wawo magetsi ashandiswa kare havasi kubhadhara mitero yavo kukambani yemagetsi ye ZESA zviri kukonzera kuti magetsi anobva kune dzimwe nyika aite mashoma.

Va Mbiriri vati kushayikwa kuri kuitwa magetsi munzvimbo dzakawanda munyika pari zvino kwakonzerwa nekusafamba zvakanaka kwemagetsi mu Zambia.

Vaenderera mberi vachiti chimwe chiri kukonzera kuti vanhu vagare vasina magetsi inyaya yekuti michina inogaya magetsi munyika yadarikidza nguva yekurarama zvekuti nguva zhinji iri kuperera mugadzirisa michina iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvekurima dzinoti kushayikwa kwemagetsi uko kuri kukonzera kuti goho regorosi rive shoma kunogona kukonzera kushayikwa kwechingwa munyika pamwe nekukwidzwa kwemitengo yechingwa ichi.

Musangano waitwa nhasi uyu wanga uchiedza kutsvaga nzira dzekuti dambudziko rekushayikwa kwemhando dzemoto unoshandiswa nevarimi mukuita ravoringapedzwe sei.

XS
SM
MD
LG