Accessibility links

Breaking News

Varimi Voshaya Fetereza kuBuhera


Vagari vekuBuhera mubhuku rekwaMakumbe vanoti zvirimwa zvavo zvava kutsvukuruka nemvura yawandisa ivo vasina fetereza yekuisa muminda yavo.

Vagari ava vanoti dai hurumende yawona zvaingaite nekukasika kuitira kuti mbesa dzavo dzirarame kuitira kuti vagowana chouviri.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, Amai Colletha Makumbe, vanoti chibage chavo chatsvuruka nepamusana pekushaya kwavari kuita fetereza.

Mumwe Mugari wemunzvimbo iyi, VaSimon Makuvise, vanotiwo fetereza yepamusoro ye Ammonium Nitrate iri kudhura zvinoshura mare. Vanoti saga rimwe chete refetereza rinonzi riri kutengeswa nemari inoita madhora makumi matatu nemanomwe.

Ishe wemunzvimbo iyi, Ishe Makumbe, vanoti dai mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vakambobatsira vanhu vemudunhu ravo, vadzoka zvakare kuzovabatsira nefetereza.

Mambo Makumbe vanoti hapana zvazvinobatsira kuti hurumende yakavapa mbeu yozoregedza kuvapa fetereza vachiti izvi zvakafanana nekukanda mari mudziva.

Bato raVaTsvangirai rakapa vanhu vakawanda mbeu muBuhera nekune dzimwe nzvimbo munyika uye mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vakabatsirawo vanhu vazhinji nembeu pasi pechirongwa che Presidential Input Scheme.

Asi gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vakaudza musangano we Confederation of Zimbabwe Industries waitsvaga nzira dzekuti hupfumi hwenyika hungasimudzirwe sei kuti hurumende inofanira kusimbaradza nyaya dzezvekurima munyika kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire zvavakati zvinozobatsira veruzhinji.

Kudzamara hurumende yawona zvaingate kuti vagari veku Buhera vawane fetereza nekukasika, zvirimwa zvevanhu ava zvichatadza kusvika zvinozoita kuti vatarisane nenzara yakawomarara seyavakawona gore rapera.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG