Hurumende nemasangano evashandi anosanganisira reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, neZimbabwe Federation of Trade Unions neChipiri anonzi akatenderana kuti mutungamiri wenyika, VaRober Mugabe, vashandise masimba avo kumisa kushanda kwemutemo wekugumura vashandi.
Mutungamitri weZCTU, VaGeorge Nkiwane, vaudza Studio 7 kuti vanoda kuti VaMugabe vaite izvi pavanodzoka kubva kuEquatorial Guinea uko vari kushanya.
VaMugabe vanova sachigaro wesangano reAfrican Union vari kumusangano wekuzeya nezvenyaya yechirwere cheEbola.
Makurukota ehurumende akapinda mumusangano wechimbi chimbi uyu anosanganisira gurukota rezvevashandi, Amai Priscah Mupfumira, uye gurukota rezvegwara rehupfumi, VaSimon Khaya Moyo.
Musangano uyu wakadaidzirwa kuzeya nyaya yemutemo wedare repamusoro soro wekuti makambani anokwanisa kugumura vashandi mushure mekuvapa chiziviso chemwedzi mitatu chete.
Mutongo uyu unitiwo vashandi vanogona kusiyiswa basa vasina chavakabata chekuvatenda kana kuti maretrenchment package.
Makambani anonzi agumura vanhu vanodarika mazana mashanu kubva neChishanu zvakaturwa mutongo uyu.
Makambani anonzi agumura vashandi anosanganisira Croco Motors, Pelhams, TN Harlequin neSteward Bank.
Asi mutungamiri wekambani yeConfederation of Zimbabwe Industries, VaBusisa Moyo, vanoti hachisi chokwadi kuti makambani ari kuita chamurambamhuru kugumura vashandi.
Vanoti vari kugumurwa ndevaye vagara vachida kumiswa basa asi vange vachitadza kumiswa nezvimhingaidzo zvange zviripo.
Zvichakadaro, gweta riri kumirira vashandi veZuva Petrolium vaikwikwidza mutemo wekugumura vashandi, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti vane hurongwa hwekukwira kudare reConstitutional Court vachipikisa mutongo uyu.