Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotengesa Mangoda Munyika


FILE - Illegal diamonds from Zimbabwe are displayed for sale in Manica, Mozambique.
FILE - Illegal diamonds from Zimbabwe are displayed for sale in Manica, Mozambique.

Zimbabwe iri kutarisira kupedza kutengesa mangoda ayo muHarare neChishanu. Aka ndekechitatu Zimbabwe ichiita musika wekutengesa mangoda ayo munyika.

Musika uyu wakavhurwa neMuvhuro uye pari kutarisirwa kutengeswa mangoda anosvika mazana mana ezviuru zvema carats. Kutengeswa kwemangoda aya kuri kuitika apo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemangoda.

Mutevedzeri wegurukota rezvezvicherwa, VaFred Moyo, vakaudza paramende neChitatu kuti kucherwa kwemangoda kuMarange kwakaderera nezvikamu makumi matatu nezvina kubva muzana.

VaMoyo vanoti makambani ari kuMarange ave kuchera mangoda pasi kwete pamusoro soro zvaakatanga achiita izvo zvapa kuti huwandu hwemangoda huderere kusvika pa 5,9 million carats gore rapera.

Mamwe makambani ari kutadza kubhadhara vashandi vawo zvopa kuti mamwe acho atengeserwe midziyo nedare kuitira kuti abhadhare zvikwereti.

Gurukota rinoona nezvezvicherwa, VaWalter Chidhakwa, vanotiwo vari kuronga kubatanidza makambani ose ari kuchera mangoda kwaMarange.

Gweta uye vachimirira masangano akazvimirira oga muKimberley Process, VaShamiso Mtisi, vanoti hapana chakaipa kutengesa mangoda munyika asi hapafanire kuitwa huori nevanotenga kuti vaderedze mitengo.

Hurukuro naVaShamiso Mtisi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG