Accessibility links

Breaking News

Vashandi Voyaura Sezvo Vasiri Kutambiriswa Mari


Makambani akawanda munyika ari kutadza kubhadhara vashandi zvokuti vamwe vashandi vava nenguva inodarika gore vasati vapihwa mari dzavo dzemihoro.

Kune vakawanda, kutambira mari kupera kwemwedzi ava manatsa mukanwa echembere kurota ichiyamwa.

Izvi zvapa kuti vashandi mumakambani akawanda vagare vakaramwa mabasa nenyaya yekusabhadharwa.

Kuratidzira chava chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga kumakambani akaita seNational Railways of Zimbabwe, Ziscosteel, Cold Storage Company, kumakambani emangoda akaita seMbada neAnjin, kuChisumbanje Ethanol Plant pamwe nekumakanzuru akaita seMarondera, Mutare, Harare neGweru.

Kumabhanga ngoma ndiyo ndiyo vashandi vari kurasikirwawo nemabasa.

Asi vashandi vazhinji vanoti nhamo yavo ndeyekuti vave kugumurwa vachibva vasina chavakabata kunyange vachinge vashanda havo kwemakore akawanda. Kumatare anoyananisa vashandi nevashandirwi kunonziwo kune nyaya dzakawandisa dzisati dzagadziriswa.

Gweta rinorwira kodzero dzevashandi, VaRogers Matsikidze, vanoti kumushandi nyaya yemihoro igangaidzwa semhezi yavavira mudumbu.

Hurukuro naVaRogers Matsikidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG