Accessibility links

Breaking News

Munyori weKanzuru yeHarare VaMahachi Vanogona Kutongerwa Mhosva yeKuzvidza Dare reParamende


Parliament of Zimbabwe
Parliament of Zimbabwe
Mashoko atiri kumbira anoti zvinhu zvinenge zvava kuomera munyori weguta reHarare, VaTendai Mahachi, avo vanonzi vatarisana nekusungwa nekomiti yeparamende zvichitevera kuzvidza kwavari kuita komiti yeparamende iyi.

Komiti iyi inonzi yakasvibiswa moyo nemaitiro aVaMahachi avo vakanzi vape komiti iyi magwaro anoratidza mari dzinotambirwa nevakuru vakuru mukanzuru yeHarare. Nhengo dzekomiti iyi dziri kutaura pamusoro pezviri kuitika dzinoti VaMahachi vari kuratidza kusaremekedza komiti yavo nekuvapa magwaro asiri iwo ari kudiwa nekomiti iyi.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti komiti iyi yawirirana kuti vamahachi vapomerwe mhosva yekuzvidza paramende, kana kuti "contempt of parliament." Izvi zvikabudirira VaMahachi vanenge votongwa neparamende.

Vakawanikwa vaine mhosva vanogona kukandwa mujeri. Studio7 haina kukwanisa kubata sachigaro vekomiti iyi, muzvare Irene Zindi, kuti tinzwe zviri kuitika.

Asi muzvare Zindi vainge vati vamahachi vauye kukomiti yedare iri nechipiri asi zvinonzi vakambomiswa kuuya nekuti dzimwe nhengo dzekomiti iyi dziri kuti dzaneta nenyaya yavo yekuzvidza dare.

Hatina kukwanisa kubata VaMahachi sezvo nhare dzavo dzange dzichingorira dzisingadairwe.

Gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTawanda Zhuwarara vanoti VaMahachi vanofanira kupa dare reparamende magwaro ayiri kuda kwete kuita pamunhondo pamusasa nekuti vanogona kukandwa mujeri.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG