HARARE —
Vamwe vagari vekwaMutare vanoti havasati vawana mukana wekuti vazive zviri mugwaro rebumbiro idzva iro richaendeswa kureferendamu mwedzi unouya.
Izvi zvabuda pamusangano waitwa maMutare wekuzeya zviri mugwaro rebumbiro idzva, uyo wange wakarongwa nesangano re Churches in Manicaland.
Vachitaura pamusangano uyu, mumwe mugari wemaMutare, uye vari nhengo yeAnglican Church, Reverand Abel Waziweyi, vati bumbiro idzva rinofanirwa kushambadzirwa kuvanhu uye kuti ringe riri mururimi rwaamai.
Mumwe mugari wekwaOdzi apindawo mumusangano uyu, VaAlfred Chipuka, vatiwo ivo nevamwe vavo havasati vawana gwaro rebumbiro iri, izvo vati zvichaita kuti zvinetse kuti vanhu vacharivhotera sei.
Mumwe mudzidzi wepa Mutare Polytechnic, VaEdward Manono, vanoti veCOPAC vanofanirwa kuwedzera huwandu hwemabhuku egwaro rebumbiro idzva, kuitira kuti vanhu vakawanda vazive zviri mugwaro iri.
Vachitaurawo pamusangano uyu, muzvinafundo munyaya dzemitemo, uye vari sachigaro veNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vatiwo kusavapo kweruzivo rwakazara pabumbiro idzva hazvivatadzisi kuti vakurudzire veruzhinji kuti vasarivhotere pareferendamu.
Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vati havanei nezviri kuitwa neVaMadhuku nesangano ravo. VaMwonzora vati VaMadhuku vakasununguka kusavhotera bumbiro idzva iri. Asi vati vana veZimbabwe vanoziva zvavanodira bumbiro idzva richaendeswa kureferendamu musi wa 16 Kurume.
Musangano uyu wapindwa nevamiriri vemachechi akasiyana-siyana, vatori venhau, vadzidzi, vemasangano akazvimirira oga, vagari vemaMutare, vemabhizinesi pamwe nevatsigiri vemapato ezvematongerwo enyika.