Accessibility links

Breaking News

Bvunzo dzeGrade 7 dzeRurimi rwe Ndebele Dzounza Mutauro


Girls education in Africa
Girls education in Africa
Kunetsana pakati pevamwe vabereki vekuMatabeleland nebazi rebvunzo reZIMSEC kuri kuramba ichienderera mberi vamwe vachiti vakuru veZIMSEC vanofanira kusiya basa nekuti vakakundikana kunyora bvunzo dzeGrade 7 vachiremekedza vanhu vanotaura nerurimi rweNdebele.

NeChishanu, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa zvinoti zvichafora kuyenda kumuzinda weZimbabwe munyika iyi kunosiya tsamba yenyunyuto.

Vamwe vabereki vari kugunun’una kuti bepa rebvunzo dzeGrade 7 raibvunza vana mazwi anotaura nezvehupfambi nezvimwe zvisiri zvezera ravo.

Vanotiwo gwaro iri rainge riinewo mumwe mutauro wechizvino zvino unonzi nevamwe unoshora mutauro weNdebele.

Asi veZIMSEC vari kutsika madziro vachiti vanhu vari kuvashora havana kunyatsonzwisisa kuti bvunzo idzi dzakange dzakamira sei sezvo dzaive nzwisiso dzichitarisa matauriro evanhu mumadhorobha uye kumaruva.

Mumashoko ayo kuvatori venhau, ZIMSEC inoti yakashanda nenyanzvi munyaya dzemutauro uyu kubva kumatunhu anoti Matabeleland South, Matabeleland North, Midlands neBulawayo idzo dzakati hapana chakaipa pane zvainge zviri mubvunzo idzi.

Bepanhau reSouthern Eye rinoti vaimbova gurukota rinoona nezvedzidzo, VaDavid Coltart, vakakurudzira kuti nyaya iyi inyatsoongororwe asi vakati havatenderane nevanoti izvi zviri kuitwa kuda kudzikisira vanhu vekuMatabelelend sezvave kutaurwa nevamwe.

Nyaya iyi yakambotaurwa nezvayo mudare reseneti vamwe vadare vachiti zvaitaurwa zvainge zvisina kukodzera kuzerea revana veGrade 7.

Gurukota rezvedzidzo, VaLazerus Dokora, vakaudza dare reseneti kuti hurumende iri kuferefeta nyaya iyi.

Mumwe mudzidzisi, VaAbbiot Moyo, vanoti ZIMSEC yakataridza kuti hainzwisise tsika dzevanhu vekuMatabeleland.

Nhengo yeMDC-T inomirira Bulawayo East muparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vanotiwo ZIMSEC inofanira kukumbira ruregerero.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG