Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanosaina Bumbiro Idzva Kuva Mutemo


Zimbabwe yatanga hupenyu hutsva neChitatu apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasaina bumbiro idzva remitemo yenyika zvichitevera kutambirwa kwarakaitwa nematare eparamende maviri svondo rapera.

Izvi zvava kupa nyika mukana wekuti ichiita sarudzo pasi pebumbiro idzva.
Vachitaura mushure mekusaina bumbiro iri pagungano rapindwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nevatevedzeri vavo, pamwe nevamwe vakuru vakuru muhurumende, VaMugabe vakurudzira kuti sarudzo dziitwe murunyararo uye vati ivo havasi kuzobira sarudzo dzinotevera.

VaMugabe, avo vasina kutaura zuva richaitwa sarudzo, vati vanhu vanofanira kuvhotera munhu wavanoda pachena pasina mhirizhonga.

Varumbidza bumbiro idzva vachiti rinokurudzira kuti vana veZimbabwe vashande pamwe chete mukusimbudzira nyika yavo.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaTsvangirai vati VaMugabe, avo vanogarotaura kuti vange vasingafariri bumbiro riripo, vachafara chose sezvo nyika yave nebumbiro idzva rakanyorwa nevana veZimbabwe.

Mumwe wevatevedzeri waVaTsvangirai, VaArthur Mutambara, vatiwo bumbiro idzva rine musiyano mukuru neranga riripo. Vatiwo apo nyika yatarisana nesarudzo, vana veZimbabwe vanofanira kuramba vakabatana vachishanda murunyararo sezvavakaita pavainyora bumbiro iri.

Vasati vapedza kutaura mashoko avo, VaMugabe vashora vatori venhau munyika nekutadza kuita basa ravo nemazvo. Vadoma bepanhau reHerald vakarishora nekushoropodza kwarinoita VaTsvangirai. Vashorawo mamwe mapepa nhau nekuvashoropodza kwaanovaita.

Bumbiro idzva rabva ragazetwa. Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vati zvimwe zvikamu zvebumbiro iri zvatova kushanda.

Zvichakadai, VaTsvangirai vaudza vatori venhau pamahofisi avo mushure megungano rekusainwa kwebumbiro idzva, kuti hofisi yavo inoramba iripo kudzamara kwaitwa sarudzo.

Vatiwo bumbiro idzva iri rinopa mukana wekuti misariridzwa yemuchibvumirano chezvematongerwo enyika igadziriswe yose sarudzo dzisati dzaitwa.

VaMugabe Vanosaina Bumbiro Idzva kuvaMutemo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG