VaMugabe Vanosaina Bumbiro Idzva kuvaMutemo
Zimbabwe yatanga hupenyu hutsva neChitatu apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasaina bumbiro idzva remitemo yenyika zvichitevera kutambirwa kwarakaitwa nematare eparamende maviri svondo rapera. Izvi zvava kupa nyika mukana wekuti ichiita sarudzo pasi pebumbiro idzva. Vachitaura mushure mekusaina bumbiro iri pagungano rapindwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nevatevedzeri vavo, pamwe nevamwe vakuru vakuru muhurumende, VaMugabe vakurudzira kuti sarudzo dziitwe murunyararo uye vati ivo havasi kuzobira sarudzo dzinotevera.
Zvikamu
-
Zvita 15, 2025Nhau dzeShona
-
Zvita 14, 2025Nhau dzeShona
-
Zvita 13, 2025Nhau dzeShona
-
Zvita 12, 2025Nhau dzeShona
-
Zvita 11, 2025Nhau dzeShona
-
Zvita 10, 2025Nhau dzeShona