Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Chavunduka Voradzikwa kwaRusape neChipiri


VaGordon Chavunduka
VaGordon Chavunduka
Mazana nemazana evanhu aungana neMuvhuro pa Anglican Cathedral muHarare vachirangarira hupenyu hwaMuzvinafundo Gordon Chavunduka, avo vakashaya neChishanu mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Vachitaura pachita ichi, mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri we MDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vati bato ravo rarasikirwa zvikuru nekushaika kwaVaChavunduka sezvo vanga vari jenamurebvu mubato ravo.

Mukuru wechechi ye Anglican muHarare, Bishop Chad Gandiya, vatiwo VaChavunduka vanga vari nhengo yakashanda zvikuru mukusimudzirwa kwechechi yavo pamwe nenyaya dzematongerwo enyika nefundo munyika.

Ataura akamirira mhuri yekwaChavunduka, Va James Chavunduka, vatiwo mhuri yavo yarasikirwawo zvikuru.

Vanhu vapinda muchechi iyi vanosanganisira vatevedzeri vemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara naMuzvare Thokozani Khupe, gurukota rezavemari, Va Tendai Biti, gurukota rinowona nezvebumbiro nembasa eparamende, VaEric Matinenga, murongi wemisangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, mukuru we Women’s University, Amai Hope Sadza, vakamboshanda naVaChavunduka paUniversity of Zimbabwe, Professor George Kahari nevamwe.

VaChavunduka vakaberekwa musi wa 16 Nyamavhuvhu muna 1931 kuPenhalonga uye ndeumwe wevamwe vakavamba MDC muna 1999. Mushure mekupedza zvidzidzo zvavo zve O Level, VaChavunduka vakadzidzira zvekurima ndokuzonoshanda semurimisi kuMusengezi munharaunda yeChegutu uko kwavakazosangana nemudzimai wavo, Rachel.

Va Chavunduka vakaitawo zvidzidzo zvepamusoro kuAmerica pamwe nekuBritain uye vakave mukuru weUniversity of Zimbabwe kubva muna 1992 kusvika muna 1996, vachitora basa rakanga rasiyiwa na Professor Walter Kamba, munhu mutema wekutanga kutungamira chikoro ichi.

VaChavunduka vakasiya basa rekutungamirira UZ vachiti paive nevanhu vezvematongerwo enyika vakanga vopindira mukufambiswa kwemabasa epachikoro ichi, izvo vakati zvakanga zvovhiringidza mashandiro avo akanaka.

VaChavunduka vanga vari mutungamiri wesangano re Zimbabwe National Traditional Healers Association.

Vakatanga nyaya dzezvematongerwo enyika muna 1968 pavakasarudzwa kuva mutungamiri webato re National People’s Union iro rakaumbwa mushure mekunge mapato e Zanu ne Zapu arambidzwa nehurumende yaVa Ian Smith muna 1964.

Vakapindawo misangano yakawanda yakazopedzisira yawunza kuzvitonga kuzere munyika yakaita se Geneva Conference yakaitwa muna 1976. Muna 1977, VaChavunduka vakasungwa nehurumende yaVaSmith kuMarondera vachipomerwa mhosva yekuburitsa mashoko anovhiringa runyararo munyika pamusangano une chekuita nezvematongerwo enyika.

PavakavambwaMDC muna 1999, VaChavunduka ndivo vakadomwa kuve nhengo yekomiti yepamusoro yebato iri ye National Executive vari munyori anoona nezvevatungamiri vechivanhu kana kuti Traditional Leaders.

Pavakazofa neChishanu, VaChavunduka vanga vari sachigaro wekomiti yana Jenamurebvu kana kuti Guadians Council muMDC-T.

Vakatarisirwa kuradzikwa kwaRusape neChipiri uye vasiya mudzimai, Rachel, nevana vashanu vanoti Davis, Gladys, Allyson, Michael naThandiwe.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG