Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoramba Kukwidza Mitengo yeChingwa

  • Thomas Chiripasi

Gurukota rezvemari, Va Tendai Biti.
Hurumende inoti haisi kuzobvumidza makambani anobika chingwa kuti awedzere mutengo wechingwa sezviri kudiwa nemakambani aya. Makambani aya ari kuda kukwidza mitengo achiti furawu yekubikisa chingwa yaari kutenga kubva kunze kwenyika iri kuvadhurira.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neMuvhuro, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vati hurumende haisi kuzobvumidza makambani aya kuti akwidze mutengo wechingwa sezvo vachiti gorosi rizere munyika uye mutengo waro hauna kukwidzwa.

Mashoko aVaBiti aya anotevera mashoko akaburitswa nesangano revanobika chingwa re Zimbabwe National Bakers Association ekuti vangangokwidza mutengo wechingwa mumazuva mashoma ari kutevera sezvo vachibhadhariswa mutero wezvikamu zvishanu kubva muzana pavanotenga furawu kubva kunze kwenyika.

VaBiti vati makambani anobika chingwa haana chikonzero chekutenga furawu kunze kwenyika sezvo vachiti gorosi rakazara munyika.

Panyaya yesarudzo dzema by-elections, VaBiti vati homwe yehurumende yakabooka zvekuti sarudzo idzi hadzikwanise kuitwa pasina mari yacho.

Dare repamusororo rakatura mutongo wekuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vatare mazuva achaitwa sarudzo dzeku Nkayi South, Bulilima East pamwe ne Lupane East musi weChina svondo rino usati wadarika zvichitevera kudzingwa kwakaitwa nhengo dzaimirira nzvimbo idzi muparamende neMDC inotungamirwa naVa Welshman Ncube idzo dzakakwidza nyaya iyi kumatare dzichiti vanhu vanogara munzvimbo idzi havana anovamirira zvichitevera kudzingwa kwavo.

Pachirongwa chekuverengwa kwevanhu munyika, VaBiti vati chirongwa ichi chapera neMuvhuro uye hurumende iri kufadzwa nemafambisirwo akaitwa chirongwa ichi.

VaBiti vatiwo huwandu hwevanhu vari munyika huchaziviswa pakupera kwegore kana kutanga kwegore rinouya mushure mekunge vaiverenga vanhu vapedza kubatanidza zvese zvavakawana mukuverenga kwavanga vachiita vanhu.
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG