Accessibility links

Breaking News

Alderman Charles Mpofu Vanoshaya


Charles Mpofu
Vaimbova kanzura weBulawayo, Alderman Charles Mpofu, vakashaya neMuvhuro muchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals mushure mekunge vaita njodzi mumugwagwa.

Musarudzo dzapfuura, VaMpofu vakakwikwidza vakamirira MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube kuNketa asi havana kubudirira.

Vakadzingwa mubato iri mushure mekunge vatadza kuwirana nevakuru vebato iri.

VaMpofu vakamboshandawo nemapato eZanu-PF, MDC-T vasati vaenda ku MDC inotungamirwa naVaNcube.

Bato raVaNcube rinoti rarasikirwa zvikuru nerufu urwu uye VaMpofu munhu aida kusimudzirwa kwedunhu reMatebeland uye kutaura chokwadi nekuvaka.

Senator Alderman Martson Hlalo veMDC-T, avo vakashanda nemufi kwenguva yakareba, vanoti Bulawayo yarasikirwa negamba rairwira kodzero dzemunhu wose.
XS
SM
MD
LG