WASHINGTON —
Muzvinafundo munyaya dzemagariro evanhu, VaGordon Chavunduka, vashaya neChishanu muHarare mushure mekurwara nechirwere chegomarara.
Mutauriri wemhuri yekwaChavunduka, Va Chris Mbanga, vanoti VaChavunduka vaendeswa kuchipatara neChishanu uko vazoshayira.
VaChavunduka, avo vanga vari mutungamiri wesangano reZimbabwe National Traditional Healers’ Association, vakaita mutungamiri mutema wechipiri we University of Zimbabwe kubva muna 1992 kusvika muna 1996, vachitora basa rakasiyiwa naProfessor Walter Kamba, avo vakava munhu mutema wekutanga kutungamira chikoro chikuru chenyika.
VaChavunduka vakasiya basa rekuva mukuru weUniversity of Zimbabwe vachinyunyuta kuti vezvematongerwo enyika vakanga vovhiringa maitiro avo basa.
VaChavunduka vanga vari nhengo yeMDC-T.
Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo rarasikirwa negamba rakabatsira zvikuru mukuunza gwara rekutevedzera muchirongwa chekuregererana nekuva nerunyararo munyika.
VaChavunduka, avo vanga vava nemakore makumi masere nerimwe ekuberekwa, vasiya mudzimai nevana vashanu, vanosanganisira mutori wenhau, Alice Chavunduka.