Accessibility links

Breaking News

VaCharamba Vonyomba Vamwe muZanu PF Vari Kurwira Chigaro chaVaMugabe


VaGeorge Charamba
VaGeorge Charamba

Kunetsana uku kwakabuda zvekare neChina apo gurukota rezvedzidzo yepamusoro soro , VaJonathan Moyo, vakakandirana makobvu nematete nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba.

Makakatanwa, kukandirana makobvu nematete, uye kunyombana kuri kuenderera mberi muZanu PF apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kumusangano weAfrican Union uri kuitirwa kuEthiopia.

Mubato iri munonzi mune kunetsana pakati pechikwata chinonzi chiri kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, nechimwe chinonzi Generation 40 icho chinonzi chine nhengo dzakaita saAmai Grace Mugabe, gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, pamwe nemuzukuru waVaMugabe, Va Patrick Zhuwawo, vanova gurukota rezvevechidiki.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMugabe vakanzi havo neZanu-PF ndivo vachamirira bato muna 2018 asi nyaya yekuti vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nemaviri iri kupa kuti vanhu varwire chigaro chavo.

Kunetsana uku kwakabuda zvekare neChina apo gurukota rezvedzidzo yepamusoro soro , VaJonathan Moyo, vakakandirana makobvu nematete nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba.

VaCharamba vakaita hurukuro nenhenpfenyuro yeZiFM vachirova havo imbwa vakaviga mupini vachiti pane vamwe muZanuPF vanoshandisa dande mutande retwitter kurwa hondo yekuda kutsiva VaMugabe vachinyomba vamwe.

VaMoyo havana kutora nguva vakabva vaenda patwiter vachinyomba VaCharamba vachiti VaCharamba vainge voshandisa hofisi yavo zvisizvo vachitsigira chimwe chikwata chezvematongerwo enyika mubato reZanu-PF

Asi mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati havana zvakawanda zvekutaura sezvo dare ravo repolitburo risati ragara, uye vakati havaone havo vachidaidzira musangano wekuzeya nyaya iyi kunze kwekunge mumwe munhu aikwidza kuvakuru vebato.

VaKhaya Moyo vanoti vangatotaure havo nezvechirongwa chehurumende chekugadzirisa hupfumi che ZimAsset pane kutaura nezvenyaya yekunetsana mubato ravo panyaya yekuti ndiyani achatsiva VaMugabe kana vachinge vasiya chigaro.

Nyanzvi inoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari mubhodhi resangano reZimbabwe Democracy Institute, Muzvare Gladys Hlatywayo, zvinhu zvanyanyisa kuita manyama amire nerongo muZanu-PF.

XS
SM
MD
LG