Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoronga Kuomesera Vanoipikisa


Kusungwa sungwa nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu vanopikisa Zanu-PF kuri kutarisirwa kuwedzera mushure mekunge vakaoma musoro mubato iri vabuda nechisungo chekuti vose vanopikisa bato ravo vaomeserwe.

Mugwaro rebato iri rakaturwa kumusangano waro wepagore nemunyori wezvemitemo, VaEmmerson Mnangangwa, rinokuridzira kutorera matanho vatori venhau, vanorwira kodzero dzevanhu uye masangano enhau pamwe nevanoshandisa Facebook vachinyomba Zanu PF.

VaMnangagwa vakati vanhu ava vari kunyora mashoko eruvengo.

Asi vamwe mubato iri vaudza Studio7 kuti pane hurongwa hwekutsvaga ruzivo kubva kuChina kuti vasore zvinoitwa nevanhu.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti hapana achasungwa asi bato ravo richadzamisa hunyanzvi munyaya dzezvemakombiyuta nezvimwe.

Gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, vanoti zviri kurongwa neZanu-PF zvinoratidza kuti bato iri rapererwa nemazano.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, avo vanoshanda saRegional Cordinator weCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, vanotiwo zvoitwa neZanu-PF hazvina chimuko.

XS
SM
MD
LG