Vana mujibha, chimbwido nevaimbove varwiri verusnunguko mubato reZanu PF vapinda neChishanu mumigwagwa yeguta reMutare vachiratidzira kutsigira kwavo kudzingwa kana kumiswa kuri kuitwa dzimwe nhengo dzemubato iri idzo dziri kupomerwa mhosva yekuda kupfuudza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Nhengo dzeZanu PF dzinonzi dziri kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, dzaratidzira dzichiimba nziyo dzemuhondo dzichinyomba vamwe vatungamiri vebato iri.
Vanga vachinyombwa ava vanosanganisira munyori wezvekufambiswa kwemabasa, VaDidymus Mutasa, mutevedzeri wegurukota rezvemhando dzemoto, VaMunacho Mutezo, nhengo yeMasvingo, VaDzikamai Mavhaire, VaTendai Savanhu vedunhu reHarare, VaRay Kaukonde, avo vakabviswa sasachigaro wedunhu reMashonaland East, mumiriri weChipinge South mudare reparamende, VaEnock Porusingazi, nevamwewo.
Vese ava vari kupomerwa nechikwata chiri kutsigira VaMnangagwa mhosva yekushanda nevavengi mukuda kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba.
Vanhu ava vanonzi vari kutsigira chikwata chinonzi chiri kutungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.
Vachangobva kusarudzwa kuti vatungamirire chipoka chevaimbove varwiri vehondo yerusununguko, VaChris Mutsvangwa, avo vakatsiva VaJabulani Sibanda, vanyomba zvikuru dzimwe nhengo dzebato reZanu PF dzinofungidzirwa kuti dziri kushanda naAmai Mujuru mukuda kubvuta masimba aVaMugabe.
VaMutsvangwa vanoti zvichitevera kudzingwa mubato kwevose vaiva kudivi rinotsigira VaMutasa na Amai Mujuru, bato rave mumaoko evanhu chaivo.
VaMutsvangwa vanoti kupinda kwakaita Amai Mugabe munyaya dzezvematongerwo enyika kwakapa shanduko zhinji mukugadzirisa mamiriro ebato reZanu PF uye nenyika nechinangwa chekugadzirisa zvinhu zvavati zvange zvaminama mubato.
Vakabviswa pachigaro chasachigaro weManicaland, VaJohn Mvundura, vanoti havana nguva yekupedza vachitaura nezvaitika maMutare nhasi. VaMutasa havana kubatika kuti tinzwe divi ravo…
Makakatanwa ari muZanu PF ari kutarisirwa kupera pakongiresi ichatanga svondo rinouya apo VaMugabe vari kutarisirwa kupihwa masimba ekudoma vanhu vavanoda kushanda navo.
Izvi zvinoreva kuti kongiresi yeZanu PF haichaitwe sarudzo zvichitevera kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yebato iri.