Accessibility links

Breaking News

VaKhaya Moyo Vanobvuma Kuti Chabvondoka muZanu PF


VaEmmerson Mnangagwa naVaJonathan Moyo
VaEmmerson Mnangagwa naVaJonathan Moyo

Bato re Zanu PF rinoti richasangana svondo rinouya kuti rizeya nyaya yekunetsana kuri mubato iri kana paine vanenge vaine zvichemo zvavanenge vatura kuPolitburo.

Mashoko aya ataurwa nemutauriri webato iri, Va Simon Khaya Moyo, zvichiteveraa kunetsana nekurovana uye kukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi mubato iri pamveri pemusangano waro we National Conference uri kutarisira kuitwa kuVictoria Falls muna Zvita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda mubato iri vave makara asionane zvikuru vanonzi vari kutsigira chikwata chinonzi chinotungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nechimwe chinonzi Generation 40 chinosanganisira mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Asi Amai Mugabe naVaMnangagwa vanoti havana zvikwata zvavanotungamira.

Vanoziva zviri kuitika muZanu PF vanoti chirongwa cheGeneration 40, kana kuti G40, chakauya kuburikidza nepfungwa dzevaimbove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, vachishanda nemamwe makurukota echidiki muZanu PF

Mune kunetsana kunotyisa mumatunhu akawanda muZanu PF kusanganisira Masvingo, Harare, Mashonaland West, Mashonaland East neMashonaland Central.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaClifford Mashiri, vanoti zvava kuitika muZanu PF zvinoratidza kuti bato iri chava chitima chisina musoro

XS
SM
MD
LG