Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yonyimisa Fotereza Vatsigiri veMDC-T


Vamwe vagari vekwaNzvimbo kuMazowe Central, mudunhu reMashonaland Central vanoti vakanyimwa neChina fotereza yaitambiriswa varimi pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika chekubatsira varimi nezvekurimisa.

Mumwe mugari wemu Ward 8, VaKudzanai Kaseke veMDC-T, vanoti ivo nevamwe vavo pamwe nevamwe vainzi ndeve Gamatox, zita rinopihwa vanhu vanotsigira vakadzingwa mubato iri, VaDidymus Mutasa, vanoti vakadzingwa paitambiriswa fotereza iyi, mushure mekunge makanzura nemasabhuku aigovera ashevedzera mazita avo vachinzi vavengi vehurumende.

VaKaseke vanoti chinonyanyovarwadza ndechekuti mukati mevanhu vakanyimwa ava, mune chembere neharahwa vasina kumwe kwavanotarisira kuwana zvekurimisa izvi.

Varimi mumaruwa akawanda vari kuchema chema kuti bato reZanu PF riri kushandisa mbeu nefotereza mukushungurudza nhengo dzemapato anopikisa.

Studio 7 yakundikana kubata Ishe Negomo Lucias Chitsinde, sezvo munyori wavo adaira nhare yavo, VaGodfrey Kunzekwenyika, vati havataure neStudio7.

Hatinawo zvakare kukwanisa kubata mumiriri weMazowe Central, Amai Tabitha Kanengoni-Malinga, kuti tinzwe divi ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG