Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voshora VaMugabe neNyaya yeHumbimbindoga


Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, neChishanu vakashoropodza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, semunhu asingamire pachokwadi pane zvavanenge vawirirana muhurumende yemubatanidzwa vachiti VaMugabe vanoita zanondega.

VaTsvangirai vatiwo zviri kuitwa naVaMugabe zvinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Vachitaura nevatori venhau pamahofisi avo VaTsvangirai vatiwo kusawirirana muhurumende yemubatanidzwa kuri kutekeshera zvekuti VaMugabe vava kungoita pamadiro vasingaite zvavanenge vawirirana pakati pavo sevatungamiri vemapato ari muhurumende.

Vaenderera mberi vachiti VaMugabe vakadzosera mukuru wemapurisa pachigaro vari vega kunyange hazvo vakange vawirirana kuti VaAugustine Chihuri vambofanobata matomhu pachitsvagwa munhu anokodzera kuve mukuru wemapurisa mushure mekunge Police Service Commission yagadziriswa.

Vatiwo vakasangana nemakurokota anowona nezvinoitika mukati menyika ose ari maviri neChishanu svondo rapera ayo akavaudza kuti komisheni iyi inoda kugadziriswa.

VaTsvangirai vati zvakaitwa naVaMugabe izvi pamwe nezvavakataura zvekuti vanoda kushevedzera sarudzo vasina kubvumirana naivo VaTsvangirai, zvinotyora bumbiro remitemo yenyika pamwe nechibvumirano chezvematongerwo enyika.

VaMugabe vakati vanogona kushevedzera sarudzo gore rino zvisinei nekuti pave nebumbiro remitemo here kana kuti kwete. Asi VaTsvangirai vati kana pachitevedzerwa mutemo, VaMugabe havangoita zvavanenge vafunga vega.

VaTsvangirai vapomera makurukota ehurumende anomirira Zanu-PF mhosva yekusada kuita zvose zvinodiwa kuti misariridzwa iri muchibvumirano chezvematongerwo enyika izadziswe pamberi pesarudzo.

Zvinhu izvi zvinosanganisira kuvandudza mashandiro evatori venhau, mitemo inobata sarudzo pamwe nekuvandudza mashandiro evari muchipurisa nemuchiuto.

Vati vakuru vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa vakawirirana neMuvhuro svondo rino kuti gurukota rinowona nezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vawone kuti vagadzirisa bhodhi rinoona nezvenhepfenyuro reBroadcasting Authority of Zimbabwe pamwe nere Mass Media Trust mukati memasvondo matatu.

Panyaya yemangoda ekwa Chiadzwa, VaTsvangirai vati vanoshanda muhofisi mavo vari kushanda zvakawomarara kuti vawone kuti mari yose inowanikwa mukutengeswa kwemangoda yapinda muhomwe yehurumende uye kuti hapana chitsotsi chiri kuitwa pakutengeswa kwemangoda aya.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti mashoko aVaTsvangirai haana nematuto ose.

Zvichakadaro, VaChihuri vanoti mapurisa achagadzirisa zvakasimba vose vane pfungwa dzekupinda mumigwagwa vachiedza kuita zvakaitika kunyika dzakaita seLybia ne Egypt vachibvisa hurumende nechisimba.

Vachitaura neChina pakupedza zvidzidzo zvemapurisa matsva, VaChihuri vakati vane ruzivo rwekuti kune mamwe mapato madiki munyika ari kuronga kuita zviri kuitika kuMiddle East, izvo vati hazvisi kuzoitika vakatarisa.

Mukuru we mukuru weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMcdonald Lewanika, vanoti VaChihuri munhu asisina gwara rekutungamirira mapurisa.

XS
SM
MD
LG