Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vonanga kuChina Kunokwezva veMabhizimisi


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemamwe makurukota ebato ravo vari kusimuka vakananga kuChina neChishanu.

VaTsvangirai vakakokwa nehurumende yeChina, uye vari kutarisirwa kudzoka musi wa 2 Chikumi.

VaTsvangirai vari kuenda kuChina kunotsvaga makambani ekushamwaridzana nawo mukumutsiridza makambani akawanda ari munyika asiri kushanda.

Mugwaro raburitswa nemutauriri wemutungamiri wehurumende, VaLuke Tamborinyoka, VaTsvangirai vari kuda kuti zvibvumirano zvakawanda zvakanyoreranwa pasi neChina neZimbabwe zviri kutadza kudzika midzi kuitira kuti zvichishanda.

Zimbabwe ine zvikwereti zvakawanda zviri kutadzisa zvimwe zvibvumirano zvifambe sezvo ichisungirwa kutanga yabhadhara zvikwerete izvi nemabhanga anokweretesa pasi rose.

Zimbabwe yakanyorerana zvibvumirano zvakawanda zvikuru nebhanga reChina Export and Import Bank munyaya dzemhando dzemoto, mvura nezvimwe asi hapana chiri kufamba.

VaTsvangirai vachasangana nemutungamiri wehurumende yeChina, VaWen Jiabao.

Vamwe vachange vana VaTsvangirai m urwendo rwavo vanosanganisira VaTamborinyoka, gurukota rezvemvura, VaSamuel Sipepa Nkomo, gurukota remakambani ehurumende, VaGorden Moyo nevamwe.

Vamwe vari kuti vanhu vari kuenda parwendo urwu naVaTsvangirai vawandiswa zvichitevera mashoko abuda mubepanhau reHerald ekuti pachange paine vanhu makumi matatu nemumwe vachange vaina VaTsvangirai. Asi vamwe vane ruzivo vanoti VaTsvangirai vachange vaine vanhu gumi nevanomwe vanobva muhofisi mavo, vamwe vanobva kubazi remvura, vamwe vachibva kubazi remakambani ehurumende, vamwe vachibva kukanzuru yeHarare.

VaNkomo vanoti vari kunyanya kufambira nyaya yeZambezi Water Project sezvo China yakapa Zimbabwe mari yekupedzisa hurongwa uhu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaTony Hawkins, avo vanodzidzisa paUniversity of Zimbabwe, vanoti rwendo rwaVaTsvangirai rwakakosha zvikuru uye runogona kuunza shanduko munyaya dzekudyidzana kwenyika mbiri idzi.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti VaTsvangirai vanogona kubuda nechouviri murwendo urwu pachitariswa hukama hwenyika mbiri idzi.

XS
SM
MD
LG