Accessibility links

VaTsvangirai Vanoti BAZ Haisi paMutemo

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vashora zvikuru gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vachiti havasi kuteerera zvavanenge vaudzwa nevatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa.

Mumashoko avo kuvatori venhau, VaTsvangirai vati vatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa vanosanganisira ivo VaTsvangirai mbune, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vakabvumirana kare kuti bhodhi reBrodacasting Authority of Zimbabwe, BAZ, rivandudzwe.

VaTsvangirai vanoti munyori wedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, vakanyorerawo tsamba kuna VaShamu vachivaudza nezvainge zvaturwa nevatungamiri vatatu ava.

Asi VaShamu vanonzi havana kutevedzera kurudziro iyi yakaitwa muna Chivabvu.

MDC-T inotiwo kudomwa kwakaitwa bhodhi rinotungamirwa naVaTafataona Mahoso sasachigaro waro, kwainge kwakanangana nedonzvo rekuti marezinesi apihwe vanotsigira Zanu-PF chete.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti zvakaitwa neBAZ kutungana kwembudzi sezvo BAZ isiri pamutemo.

Asi mutauririri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti mashoko eMDC ndeemunhu anenge akundwa.

XS
SM
MD
LG