Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti MDC neZanu PF Hadzisi Kuwirirana paDingindira reMhemberero dzeKuzvitonga


Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri werimwe bato re MDC, Va Morgan Tsvangirai, vanoti hapana kuwirirana ne Zanu PF panyaya yehurongwa hweChitatu hwekupemberera kusvitsa makore makumi matatu nemaviri nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Asi VaTsvangirai vanoti bato ravo richapinda haro muhurongwa uhu kunyange risiri kuwirirana neZanu PF.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House, Va Tsvangirai vati bandiko reMDC riri muhurumende yemubatanidzwa harina kuwirirana neZanu PF panyaya yedingindira remhemberero dzamangwana.

Va Tsvangirai vati pamusangano wemakurukota ehurumende wakaitwa svondo rapera, Zanu PF iri kuda kuti dingindira iri rive rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, ukuwo MDC ichida kuti rive rekukurudzira runyararo munyika.

Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro wekomiti iri kutungamira hurongwa hwemhemberero, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, kuti tinzwe divi rekomiti yavo panyaya iyi.

Va Tsvangirai vati mhemberero idzi hadzifanirwe kushandiswa senzira yekutsvaga rutsigiro kubato rimwe chete pamberi pesarudzo asi rinofanira kuva rinoshandiswa pakucherechedza kudeuka kwakaita ropa revakarwa muhondo yerusununguko vachiitira kuti ruzhinji rwugare zvakanaka.

Zvisinei, nekusawirirana kuri kuita MDC ne Zanu PF panyaya yedingindira remhemberero, VaTsvangirai vakurudzira vatsigiri vavo pamwe neruzhinji rweZimbabwe kuti vaende kumhemberero idzi.

VaTsvangirai vanoti vashakabvu vakaita saVa Joshua Nkomo, Va Herbert Chitepo pamwe naVa Solomon Mujuru, vangafara zvikuru vari mumakuva avo kana ruzhinji rweZimbabwe rwukagara munyika ine runyararo, mabasa pamwe nehutano hwakanaka nezvimwe zvakadaro.

Rimwe bato reMDC 99 rinotungamirwa naVa job sikhala rinoti harisi kuzova nechokuita nemhemberero idzi richiti harisi kufara nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu munyika.

XS
SM
MD
LG