Accessibility links

VaTsvangirai Vanosangana neVamiriri veVashandi veHurumende


Vamiriri vevashandi vehurumende vari pasi peApex Council, vaita musangano nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vachida kuti vavabatsire kuti mari dzavo dzemihoro dziwedzerwe.

Vashandi ava vatora danho iri mushure mekunge hurumende yakavaudza kuti yainge isina mari yekuti vawedzerwe mari dzavo kusvika pavanoda.

Munyori mukuru weProgressive Teachers' Union of Zimbabwe, zvakare vari nenhengo yeApex Council, VaRaymond Majongwe, vanoti musangano wavaita naVaTsvangirai wafamba zvakanaka.

Vati VaTsvangirai vavavimbisa kuti vari kunanga kuminda yemangoda kwaMarange neChitatu chaiwo nechinangwa chekuona kuti chii chiri kuitika uye vachashandawo nesimba kuona kuti mari yemangoda yapinda muhomwe yehurumende kuti ibatsire vashandi nekusimudzira nyika.

VaMajongwe vati VaTsvangirai vatsidzawo kuti vachaona kuti komiti yedare remakurukota inoona nezvevashandi vehurumende yatsigirwa pabasa rayo rekuona kuti vashandi vehurumende vawana mihoro inovagutsa.

Mushandi mukuru musangano reZimbabwe Teachers Union, zvakare vari nhengo ye Apex Council, VaSifiso Ndhlovu, vatiwo musangano wavaita naVaTsvangirai wafamba zvakanaka chose uye varatidza kuti vane chido chekubatsira vashandi.

Nhaurirano pakati pehurumende nevashandi vayo muNational Joint Negotiating Council hadzina chadzakaburitsa masvondo maviri apfuura mushure mekunge hurumende yati yainge yaisa parutivi $240 million semari yekuwedzera vashandi, iyo inove mari shomanana chose kana tichitarisa chikumbiro chevashandi chekuti mushandi wepasi pasi anofanirwa kutambira madhora mazana mashanu nemakumi matatu.

Nhengo dzeApex Council dzaudza Studio7 kuti dzakumbirawo VaTsvangirai kugadzirisa nyaya yevanhu vari kungotambiriswa nehurumende asi pasina basa ravari kuita.

XS
SM
MD
LG