Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vanoti Vari Kutadza Kuita Basa Vakasungunuka


Apo Zimbabwe inobatana nenyika dzepasi rese mukucherechedza World Press Freedom Day svondo rino, vamwe vatori vanhau munyika vanoti vari kutadza kuita basa ravo nemazvo nekuda kwezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira mitemo inovambunyikidza pamwe nekuoma kwaita zvinhu munyaya dzehupfumi.

Vatori venhau ava vanoti havana kusununguka kuita basa ravo pachena vasingatye vachiti vanogara vachitya kurohwa, kukuvadzwa kana kusungwa vari pabasa.

Mumwe mutori wenhau uyo akamborohwa nekusungwa mapurisa munguva pfupi yaapfuura, Costa Nkomo, audza Studio 7 kuti mapazi ehurumende akaita semapurisa nemauto ndiwo anonyanyo vashungurudza.

Mutauriri wesangano revatori venhau vechidiki reYoung Journalists Association, VaLeopold Munhende, vanoti nyaya yekurohwa kwevatapi venhau yave kuita kuti vamwe vavo vatye kunyora dzimwe nyaya.

Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Tawanda Karombo, anoti anoona sekuti vatori venhau vangashande vakasunguka kana mapazi ehurumende akavapa mukana wekuita izvi.

Sofia Mapuranga atiwo kunze kwekushungurudzwa nemapurisa, vemapato ezvematingerwo enyika, kana vanhuwo zvavo, pane mitemo yakawanda inovatadzisa kuwana mamwe magwaro avanenge vachida kubva kuhurumende kuti vakwanise kuita basa ravo.

Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa - Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio7 kuti mitemo yakawanda inokanganisa vatapi venhau kuita basa ravo nemazvo.

Vanoti mitemo iyi inosanganisira Access to Information and Protection of Privacy Act, Interception of Communications Act, Official Secrets Act nemimwe.

Vatiwo pane zvimweo zviri kunze kwemutemo zvinoitwa nehurumende zvinovhiringa basa revatori venhau zvakaitwa sekuvharwa kwakaitwa indaneti nehurumende muna Ndira.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richipa vatori venhau rusunguko rwekuita basa ravo pachena, vatori venhau vanofanira kusunga dzisimbe kuti mitemo inovashungurudza ibviswe.

Munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio 7 kuti vatori venhau vanoita basa rakakosha chose munyika uye ndosaka hurumende yave kusandura mitemo kuti vaiite basa ravo vakasununguka.

VaMangwana vati vanotarisira kuti mabhiri ekushandura mutemo weAIPPA nekuvandudza mimwe mitemo yezvekutapwa kwenhau nekufambiswa kwemashoko ange aendeswa kuparamende muna Chivabvu.

Zuva World Press Freedom Day rinocherechedzwa pasi rese senzira yekurangarira kukosha kwakaita basa rinoitwa nevatori venhau pamwe nekuti dzihurumende dziremekedze kodzero dzavo kuitira kuti vakwanise kuita basa ravo vasingambunyikidzwe.

Nyaya Ina Godwin Mangudya - World Press Freedom Day
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG