Zuva reKucherechedza Kuburitswa kweNhau Pasina Kumbunyikidzwa
- Blessing Zulu
Hurumende Yokundikana Kutengera Vashandi vemuZvipatara Zvinodzivirira Covid-19
Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti chimwe chave kupa kuti chirwere checoronavirus chipararire zvakanyanya munyika inyaya yekuti vakoti navanachiremba havana zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kutapurirwa chirwere ichi kana kuti maPPE.
VaDongo vanoti vave nenguva yakareba vachikumbira kuti vawane zvikwanisiro zviri kukona n’anga murapwa achida.
Kubva zvakatanga kupararira chirwere ichi munyika muna Kurume, vashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba vabatwa nechirwere ichi vadarika mazana matau nemakumi maviri nevatatu.
Vakoti vanoti zvekupfeka vave kutozviona kumarinda eHeroes Acre sepakashaya gamba renyika VaPerrance Shiri avo vakaradzikwa nemusi weChina.
AU Yotungamira Mhemberero dzeZuva reVatori veNhau
Mhemberero huru dzekucherechedza zuva revatori venhau reWorld Press Day dzakaitirwa kuAddis Ababa, Ethiopia kumuzinda weAfrican Union.
Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko meAU Commission Amai Wayne Musabayana vati zvakakosha kuti vatori venhau vaburitse nhau dzechokwadi sezvo pave nedambudziko remadande mutande matsva kana kuti social media iyo inomboburitsa nhau dzemanyepo.
Vati seAfrican Union vanokoshesa zvikuru nyaya yesarudzo dzakachena asi nekuda kwenhau dzenhema pamadandemutande akaita seFacebook neTwitter zvinogona kunetsa kuti muve nesarudzo dzakachena dzinokurudzira hutongi hwejekerere.
Misangano yeWorld Press Freedom Day yakatanga kuitwa kuEthiopia musi wa 1 ikapera nemusi weChishanu unova musi wakatarwa neUnited Nations muna 1993 kuti ucherechedzwe mabasa anoitwa nevatori venhau.
Izvi zvakatevera chibvumirano chainge chaitwa nevatori venhau muAfrica chinonzi Windhoek Declaration muna 1991 chaikurudzira kuti vatori venhau vaite basa vakasungunuka.
Mutevedzeri wasachigaro weAU Commission VaQuartey Thomas Kwesi vanoti pahurongwa hwegore rino African Union yange ichishanda nesangano reUnited Nations reUNESCO mukuita mhemberero idzi.
Hurumende yeEthiopia yainge ichibatsirawo nerutsigiro kubva kuEconomic Commission for Africa.
Vatori venhau kubva kunyika dzakawanda kusanganisa Zimbabwe vakaenda kugungano iri.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Vatsigiri veStudio7 Vepa WhatsApp Vopa Pfungwa Dzavo Pazuva reWorld Press Freedom Day
- Blessing Zulu
Amai Mutsvangwa Vanoti Hurumende Iri Kuvandudza Mutemo weAIPPA
Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti hurumende inoremekedza zvikuru vatori venhau uye iri mubishi kuvandudza mitemo inonzi inodzvinyirira vatori venhau yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act kana kuti AIPPA.
Amai Mutsvangwa vakataura mashoko aya kuStudio 7 kumucheto wemhemberero dzekucherechedza zuva revatori venhau kana kuti Press Freedom Day kuGreat Zimbabwe University kuMasvingo.
Vanoti hurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa inokoshesa zvikuru basa rinoitwa nevatori venhau munyaya yehutongi hwejekerere.
Vati vatori venhau vanenge vashungurudzwa vakasungunuka kuti vaende kuno mhan’ara nyaya dzavo kumapurisa. Izvi zvinotevera kugunun'una kwevatori venhau kuti vanombombunyikidzwa pavanenge vachiita basa ravo.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Mhemberero Huru Dzekupembera Mabasa Arikubatwa neVatori Venhau Dzoitwa Kumuzinda weAfrican Union kuAddis Ababa Ethiopia
Mukuru weVOA Amai Bennet Vanoti Vatori Venhau Vane Basa Guru Kuunza Hutongo hweJekerere
Mukuru weVoice of America Amai Amanda Bennet vaburitsawo mashoko nhasi vachitaura nezvekukosha kwezuva revatori venhau kana kuti Press Freedom Day vachiti nhepfenyuro yeVOA yakazvipira kuramba ichiburitsa nhau dzechokwadi dzisina divi radzinonorerekera.
Amai Bennet vati, “Muno muAmerica tinoti haasi masanga kuti kusununguka kwevatori venhau ndicho chinhu chakatanga kuitwa kuvandudza bumbiro remutemo nekuti kana nyika isina vatori venhau vanoshanda vakasungunuka vanhu havawane mashoko akakosha muhupenyu hwavo.”
Vanoenderera mberi vachiti, “Ndosaka muchiona hurumende dzehudzvanyiriri dzichikurumidza kumbunyikidza vatori venhau kana munyika mukaita kusagadzikana. Nekuti dzinoziva kuti nhau dzechokwadi dzinopa vanhu simba uye vanhu vakawanawo simba vanokwanisa kuva pachikero chimwe nevatungamiri venyika."
VOA ndiyo nhepfenyuro huru inotepfenyuro mumitauro inosvika makumi mana nemashanu kuvanhu vanemukana mudiki wekunzwa nhau kana kuti vanombunyikidzwa.
Nhepfenyuro yeVOA yakaparurwa muna 1942 uye yakanangana nekuburitsa nhau dzechokwadi dzisina divi radzinorerekera. Hurumende yeAmerica kuburikidza nemitero inobhadharwa nevanhu vayo ndiyo inopa VOA mari kuburikidza nebazi re U.S. Agency for Global Media.
Chinangwa cheVOA ndechekuti iburitse nhau yakazvimirira. Izvi zvinoitwa kuburikidza nemitemo inodzivirira vatori venhau kubva kune vezvematongerwo enyika nevamwe vanoda kuvhiringidza mashandiro avo.
Muna 1976, vaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaGerald Ford vakaisa ruoko rwavo pa gwaro regwara kana kuti VOA Charter vachiti nhepfenyuro yeVOA inotarisirwa kuburitsa nhau dzisina divi radzinorerekera nguva dzose uye dziri dzechokwadi dziine hudzamu.
Vatori veNhau Vanoti Vari Kutadza Kuita Basa Vakasungunuka
Apo Zimbabwe inobatana nenyika dzepasi rese mukucherechedza World Press Freedom Day svondo rino, vamwe vatori vanhau munyika vanoti vari kutadza kuita basa ravo nemazvo nekuda kwezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira mitemo inovambunyikidza pamwe nekuoma kwaita zvinhu munyaya dzehupfumi.
Vatori venhau ava vanoti havana kusununguka kuita basa ravo pachena vasingatye vachiti vanogara vachitya kurohwa, kukuvadzwa kana kusungwa vari pabasa.
Mumwe mutori wenhau uyo akamborohwa nekusungwa mapurisa munguva pfupi yaapfuura, Costa Nkomo, audza Studio 7 kuti mapazi ehurumende akaita semapurisa nemauto ndiwo anonyanyo vashungurudza.
Mutauriri wesangano revatori venhau vechidiki reYoung Journalists Association, VaLeopold Munhende, vanoti nyaya yekurohwa kwevatapi venhau yave kuita kuti vamwe vavo vatye kunyora dzimwe nyaya.
Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Tawanda Karombo, anoti anoona sekuti vatori venhau vangashande vakasunguka kana mapazi ehurumende akavapa mukana wekuita izvi.
Sofia Mapuranga atiwo kunze kwekushungurudzwa nemapurisa, vemapato ezvematingerwo enyika, kana vanhuwo zvavo, pane mitemo yakawanda inovatadzisa kuwana mamwe magwaro avanenge vachida kubva kuhurumende kuti vakwanise kuita basa ravo.
Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa - Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio7 kuti mitemo yakawanda inokanganisa vatapi venhau kuita basa ravo nemazvo.
Vanoti mitemo iyi inosanganisira Access to Information and Protection of Privacy Act, Interception of Communications Act, Official Secrets Act nemimwe.
Vatiwo pane zvimweo zviri kunze kwemutemo zvinoitwa nehurumende zvinovhiringa basa revatori venhau zvakaitwa sekuvharwa kwakaitwa indaneti nehurumende muna Ndira.
Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richipa vatori venhau rusunguko rwekuita basa ravo pachena, vatori venhau vanofanira kusunga dzisimbe kuti mitemo inovashungurudza ibviswe.
Munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio 7 kuti vatori venhau vanoita basa rakakosha chose munyika uye ndosaka hurumende yave kusandura mitemo kuti vaiite basa ravo vakasununguka.
VaMangwana vati vanotarisira kuti mabhiri ekushandura mutemo weAIPPA nekuvandudza mimwe mitemo yezvekutapwa kwenhau nekufambiswa kwemashoko ange aendeswa kuparamende muna Chivabvu.
Zuva World Press Freedom Day rinocherechedzwa pasi rese senzira yekurangarira kukosha kwakaita basa rinoitwa nevatori venhau pamwe nekuti dzihurumende dziremekedze kodzero dzavo kuitira kuti vakwanise kuita basa ravo vasingambunyikidzwe.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Pasi Rose Rorangarira Zuva reVatori Venhau reWorld Press Freedom Day neChishanu
Vatori venhau veStudio 7 vokorokotedza vatori venhau vachishandisa mitauro yakasiyana siyana ino shandiswa nenhepfenyuro iyi. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Facebook Forum