Accessibility links

Breaking News

Vana veChikoro Voshandira Mari yeDzidzo kuManicaland


Vana vechikoro vekumaruwa vanoti vari kuita mabasa akasiyana siyana kuitira kuti vawane mari yekubhadhara dzidzo yavo panovhurwa zvikoro gore rinouya. Vadzidzi ava vanoti vari kuita mabasa aya nekuti vabereki vavo vari kukundikana kuvawanira mari yechikoro.

Pamugwagwa unonanga kuMasvingo kunzvimbo ye-Wengezi, vana vechidiki ndivo vakawanda vanenge vachitengesa pamusika wemunzvimbo iyi. Vana ava vanotengesa michero, zvekudya, matomatisi uye nezvishiri zvakakangiwa zvinozivikanwa nekuti ngozha. Shiri idzi dzinowanzowanikwa muminda yegorosi.

Vana ava vanoti havana nguva yekuzorora pazororo rino rekisimusi, vachiti vakagarira maoko avo, havazokwanisi kuenda kuchikoro muna 2011.

Mumwe wevana ava, ndi Trevor Chimhake, uyo anoti gore rino rava kunopera, akakwanisa kudzidza zvakanaka sezvo vadzidzisi vange vasiri kuramwa mabasa. Mukomana uyu anoti chiri kumunetsa inyaya yekushaya mari yechikoro izvo zvakapa kuti gore ripere asina chaabvisa. Mukomana uyu, uyo anodzidza paMhandarume, anoti ari kuronga kunoshanda ari kuChipinge kumapurazi.

Mumwe mwana wechikoro, Oscar Mwarute, wepachikoro cheMhandarume, anotiwo kudzidza kumusha idambudziko sezvo nguva zhinji achienda kuchikoro asina chaadya.

Benadety Maraire, uyo anodzidza paMashonjowa anoti aienda kuchikoro adya bota chete, mamwe mazuva pasina chaadya. Anoti izvozvi ari kutengesa pamusika kuitira kuti akwanise kuwana mari yechikoro pamwe neyekudya sezvo vabereki vake vasingakwanisi kuvawanira zvose zvavanoda.

Mumwe mubereki wemunharaunda iyi, Amai Wishes Chemwanyisa, vanoti vanotoshuvira kuti vana vavo vakwanise kuwana dzidzo yakanaka, asi vanoshaya.

Mumwe mubereki anogara munzvimbo iyi, Amai Praise Mabika, vanotiwo kunze kwekutengesa pamusika kuitira kuti vawane mari dzekubhadhara kuchikoro, vanoita mamwe mabasa ekuti mari iwande. Mabasa avanoita anosanganisira kucherera vanhu mvura vachibhadharwa, kuwacha mbatya dzevavakidzani vavo nemamwewo mabasa.

Vana vechikoro ava, pamwe nevabereki vavo, vanoti ishuviro yavo kuti vange vachiwana mari nenzira iri nyore, kuitira kuti vana vadzidze zvakanaka. Asi nepamusana pekuoma kuri kuita hupenyu, vana vechikoro vakawanda vari kuita mabasa akasiyana siyana, kuitira kuti vakwanise kubhadhara mari dzechikoro, izvo zvinozoita kuti vave neruzivo kuburikidza nekudzidza.

XS
SM
MD
LG