Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshora Ngochani Pamberi peNhumwa yeKodzero muUN


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vashoropodza vanhurume vanoita zvechingochani vachiti kuita izvi kutyora kodzero dzevanhukadzi.

VaMugabe vataura mashoko aya pamusangano weGlobal Power Women Africa Network waitirwa muHarare neChina.

Vachitaura pavavhura musangano wemazuva maviri weGlobal Power Women Africa Network, VaMugabe vati kodzero dzemadzimai dzinofanira kukosheswa asi vati kuita chingochani kunotyora kodzero dzavo dzekusangana nevarume.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri wesangano re Global Power Women Network Africa, Muzvare Thokozani Khupe, vati kodzero dzemadzimai dzinofanirwa kuchengetedzwa vachiti kana madzimai emuAfrica akabvumirana kuti haachadi kubata pamuviri, zvinoita kuti muAfrica musare musina kana munhu mumwe chete zvake. Vati izvi ndizvo zvinoratidza kuti vanhukadzi vakakosha pasi rose.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vakurudzirawo kuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai.

Vati kubudikidza nekutambura kunoita madzimai mazhinji mu Africa, zviri kukonzera kuti madzimai pamwe nevanasikana vave ivo vazhinji vanowanikwa vachibatwa nehutachiwana hunokonzera chirwere cheshuramatongo.

Asi nhumwa yeUnited Nations inoona nezvekodzero dzevanhu, Amai Navi Pillay, avo vari kuongorora mamiriro akaita nyaya dzekodzero dzevanhu munyika, vaudza musangano uyu kuti kodzero dzose dzinofanirwa kuremekedzwa.

Imwe nhengo yeGlobal Power Women Network Africa, uye vari gurukota rezvemari rekuNigeria, Amai Ngozi Okonjo Iweala, vati madzimai haafanire kumirira kupihwa kodzero dzavo nevanhurume, asi kuti vanotofanira kuzvimirira panyaya iyi.

Musangano weGlobal Power Women Network Africa wakaumbwa nemadzimai akasarudzwa pamwe neakadomwa kupinda muhurumende dzemu Africa uine chinangwa chekugadzirisa matambudziko anotarisana nemadzimai mu Africa.

Musangano uyu, uyo unova wekutanga wesangano iri, wakatarisirwa kupera neChishanu mushure mekuzeyewa kwenyaya dzinobata mararamiro emadzimai muAfrica dzinosanganisira madzimai anofa munguva yekusununguka pamwe nechirwere cheshuramatongo.

XS
SM
MD
LG