Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokurudzira Vanhu Kuvhenekwa Ropa Ravo


Mumashoko avo muzuva rekucherechedza World AIDS Day, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakurudzira vanhu kuti vanovhenekwa ropa kuitira kuti vazive pavamire chaipo munyaya dzezvehutachiona hwe HIV/AIDS.

VaMugabe vanoti vanhu vari kubatwa nehutachiona vari kuramba vachidzikira gore negore muZimbabwe kunyange pachine mutambo.

Vatiwo zviri kuitwa neZimbabwe mukurwisa HIV zvinoyemurwa zvakanyanya nedzimwe nyika.

VaMugabe vakurudzirawo vanhunhurume kuti vachecheudzwe, kana kuitwa “male circumcision”, kushandisa makondomu uye kushanda zvakasimba kuitira kuti vana vasatapurirwe hutachiona pakuzvarwa.

Mutungamiri wenyika atendawo bazi rezvehutano nekuenda pamikowa yevanhu richikurudzira kuti vatorwe ropa.

Vamwe munyika vanoti zvakakosha kuti vanhu vabude pachena panyaya yepavamire panyaya yeHIV/AIDS zvikuru vanhu vane mukurumbira.

Asi iri richiri dambudziko kunyange vakawanda vave kuziva nezvedambudziko reHIV/AIDS.

Muzvare Auxillia Chimusoro, avo vakashaya muna 1998, ndivo mumwe wevanhu vakabuda pachena kuti vairarama ne HIV muna 1989.

MuZambia, Winstone Zulu akavawo munhu wekutanga munyika iyi muna 1990 kubuda pachena achiti ainge achirarama nehutachiona.

Zulu akashaya muna Mbudzi akaradzikwa segamba. MuAmerica, aimbova mutambi weBasketball ane mukurumbira pasi rose, uyo aitambira L.A Lakers, Magic Johnson, akabuda pachena nezvekurarama ne HIV muna 1991.


Izvi zvinonzi nevakawanda zvakabatsira kuti vanhu vanzwisise zvakanyanya nezveHIV iyo inokonzera AIDS, kana kuti mukondombera.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reZimbabwe HIV/AIDS Activists Union, VaStanley Takaona, vanoti hurongwa hwekurwisa mukondombera huri kuvhiringidzwa nevatungamiri vasingafambise mari zvakanaka.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reNational AIDS Council, VaOrirando Manuwere, vanoti nyika inofanira kushandisa hupfumi hwayo kuti iwane chouviri sezvo nyika dzinobatsira dziri kuomerwa nezvinhu.

XS
SM
MD
LG