Accessibility links

Breaking News

VaGwisai neVamwe Vavo Vanobvisiswa Faindi neKupika Vasiri Mujeri


Vaimbova mumiriri weHighfield muparamende, VaMunyaradzi Gwisai, nevamwe vavo vashanu vakabatwa nemhosva yekuronga zvekukonzera mhirizhonga vapihwa mutongo wekuti vabhadhare faindi pamwe nekushanda munharaunda dzavanogara.

Vachitura mutongo wavo panyaya iyi, mutongi wedare ramejasitiriti, VaKudakwashe Jarabhini, vati VaGwisai nevamwe vavo vashanu vanoti Va Hopewell Gumbo, avo vaimbove mutungamiri wesangano revadzidzi re Zinasu, nhengo ye Zinasu, Va Welcome Zimuto, nhengo ye United Food and Allied Workers Union, Va Edson Chakuma, nhengo ye Zimbabwe Labour Centre, Va Tatenda Mombeyarara, pamwe Muzvare Antonaetar Choto, vanosungirwa kuti vabhadhare mari yefaindi inoita madhora mazana mashanu pamunhu wega-wega uye kuti vashande muzvivakwa zvehurumende kwemaawa anokwana mazana mana nemakumi maviri munzvimbo dzavanyoresa kudare.

VaJarabhini vati vakatadza kubhadhara mari yefaindi yavatarirwa nedare, vachapika jeri kwemwedzi gumi.

Mwedzi makumi maviri nemina yasendekwa parutivi ndokunge vasungwa ava vasina kupara mhosva yakadai mukati memakore mashanu anotevera.

Va Jarabhini vati vawona zvakakodzera kuti VaGwisai vasaende kunopika vari mujeri nepamusana pekuti vadzidzi vangarasikirwa zvikuru sezvo VaGwisai vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe. Vatiwo Muzvare Choto munhu anorwara ne asthma saka havakodzere zvakare kuti vange vari mujeri. Vati Va Zimuto vachii kuenda kuchikoro vanofanira kuenderera mberi nezvidzidzo zvavo uye vati vamwe vevasungwa ava vane vana vadiki vachiri kuda kuchengetwa nevabereki vavo.

Mushure memutongo uyu, gweta revasungwa ava, Va Alec Muchadehama, vakumbira dare kuti ripe vasungwa ava mukana wekubhadhara mari yefaindi yatarwa nedare izvo zvabvumwa nemutongi uyo ati mari iyi inofanira kunge yabhadharwa musi wa 26 Kurume.

Va Muchadehama vazivisa dare kuti vachada kukwidza kudare repamusoro nyaya yekubatwa nemhosva kwakaitwa vasungwa ava pamwe nemutongo waturwa nedare vachiti vasungwa havasi kugutsikana nezvose izvi.

Va Muchadehama vazivisawo dare kuti pachadzoka nyaya iyi mudare musi wa 26 Kurume, vachasvitsa chikumbiro chekuti vasungwa ava vambomira kushanda muzvivakwa zvehurumende zviri munharaunda dzavanogara sezvatarwa nedare nechinangwa chekuti vamirire zvichabuda mudare repamusoro.

Va Gwisai nevamwe vavo vakasungwa musi wa 19 Kukadzi vari pakati pekuita musangano wavakaudza dare kuti waiva wekuda kuwona zvingadzidzwa nevashandi pamwe nevadziddzi vemunyika mushure mekuratidzira kwakaitwa nezvizvarwa zveku Egypt neTunisia zvakakonzera kuti vatungamiri vanyika mbiri idzi vasiye basa.

Vakazopomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaMugabe iyo yakazoraswa vakasara vopomerwa mhosva yekuronga zvekukonzera mhirizhonga mushure mekuona mifananidzo yezvakaitika ku Egypt ne Tunisia.

Zvichakadai, nhengo dzeZinasu dzinokwana shanu dzasungwa panze pedare padzanga dzichiimba dzichifara kuti VaGwisai nevamwe vavo havana kutongerwa kuenda kujeri.

XS
SM
MD
LG