Accessibility links

Breaking News

VaGorden Moyo Vanoti Havakwanisi Kushandura Mashandiro eZBC


Gurukota rezvemakambani ehurumende, VaGorden Moyo, vanoti mapepanhau nenhepfenyuro zvehurumende zviri kurerekera kubato rimwe pakuburitswa kwemashoko, zvisingatarisi mapato ose ari muhurumende yemubatanidzwa.

VaMoyo vakataura mashoko aya neSvondo pamusangano wezvemabhizimusi, weDevelopment Foundation for Zimbabwe, waiitirwa kuVictoria Falls.

Kambani yeZimbabwe Broadcasting Holdings, iyo ine nhepfenyuro yeZBC, iri pasi pebazi rezvekuburitswa kwemashoko kunyange hazvo iri kambani yehurumende.

ZBC, Herald, Sunday Mail, Chronicle nemamwe mapepanhau ehurumende anoshorwa neveruzhinji nenyaya yekutsigira zvinoitwa neZanu PF.


Kunyange hazvo mapato maviri eMDC ari muhurumende yemubatanidzwa, mapato ayo anotorwa semhandu nemapepanhau ehurumende, izvo zviri kupa kuti vakawanda vanyanyute.

VaMoyo vaudza Studio7 kuti havana zvavanokwanisa kuita kugadzirisa dambudziko iri sezvo bazi ravo risingapindiri mukushanda kweZBC, kanawo Herald, kunze kwekupa gwara rinofanirwa kutevedzwa.

Chibvumirano cheGlobal Political Agreement chinosungira hurumende kuti iremekedze mapato ose, uye kuti dzinhepfenyuro dziri pasi pehurumende, dzipe mukana wakafanana kumapato ose ari muhurumende.

XS
SM
MD
LG