Zvichitevera kunetsa kuri kuita chirwere chemudumbu che typhoid mudhorobha reHarare, vagari vemuguta iri vari kupumha kanzuru yavo huroyi vachiti iri kutadza kutakura mabhini kana kuvapa mvura yakachena, izvo zviri kukonzera chirwere ichi.
Chirwere ichi, icho chakatangira mumusha weDzivaresekwa, chinonzi chava mumatunhu anodarika makumi mana eguta reHarare.
Vanhu vanodarika chiuru nemazana mashanu vanonzi vakabatwa nechirwere ichi. Pave kutyirwa kunzi chirwere ichi chingangopararira munzvimbo dzakawanda munyika.
Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira, vanoti dambudziko rechirwere ichi raitawo kuti kanzuru yeguta reHarare pamwe nebazi rezvehutano vaite muonera pamwe chuma chemuzukuru mukuedza kuri dzivirira.
Kanzuru yeguta reHarare inonzi yakatangawo kutora matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, akaita sekuvhara zvibhorani zvine mvura ine tsvina, uye kuendesa mvura yakachena kumisha inogara veruzhinji.
Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, uye vari nyanzvi mune zvehutano, vanoti panodiwawo dzidziso yakasimba muvanhu kuitira kuti nyika isarambe ichitambudzwa nezvirwere zvegore ragochanhembe.