Accessibility links

Breaking News

VaColtart Vokurudzira Hurumende Kuisa Mari Yakawanda Mudzidzo


Gurukota rezvedzidzo nemitambo, VaDavid Coltart, vanoti hazvina kunaka kuti hurumende ipedze mari yakawanda panzendo dzekunze kwenyika asi ichipa mari shomanana kubazi rezvedzidzo. VaColtart vati izvi zvinovhiringa dzidzo yenyika, iyo inova musimboti wenyika.

VaColtart vataura mashoko aya pamabiko ekupemberera vadzidzi makumi maviri nevaviri vakapihwa rubatsiro rwemari inosvika mamiriyoni mana nechidimbu chemadhora kuitira kuti vandodzidza kuzvikoro zvepamusoro soro kuAmerica pasi pechirongwa chinonzi United States Achievers Program, USAP.

VaColart vati yasvika nguva yekuti hurumende ichitanga kukoshesa dzidzo nekupa mari yakawanda kubazi ravo.

Vatiwo zvinosuwisa kuti nyika dzepasi rose dziri kupedzawo mari yakawanda munyaya dzekudzivirirwa kwenyika nehondo dzisingaendesi mari yakawanda kudzidzo.

Mumiriri we America muZimbabwe, VaCharles Ray, vaudza vadzidzi ava kuti vashandise mukana uyu uye kuti vadzoke kumusha kana vapedza zvidzidzo zvavo kuitira kuti vazosimudzira nharaunda dzavanobva.

Muimbi ane mukurumbira, Oliver Mtukudzi, uyo ange ari munyarikani pachiitiko ichi, audzawo vadzidzi ava kuti vayeuke kumusha uye kuti vandotsvaka ruzivo rwekuzosimudzira mhuri nenyika yavo.

Mumwe ari kundoita zvidzo zvake kuYale University, Julia Jenjeza, atenda zvikuru muzinda weAmerica muZimbabwe nekumupa mukana wekundodzidza kunyika iyi.

Bhenkikosi Sibanda anobva kumusha weMadilihola kuEsigodini, uye ari kuenda kuHavard University. Anoti ari kufara chose nemukana uyu uye ati kana apedza achadzoka kuzobatsirawo vamwe vari kushaya mukana wekuwana dzidzo yepamusoro soro.

Chirongwa cheUSAP chakatangwa makore gumi nemaviri apfuura uye kusvika pari zvino, pane vadzidzi vemuZimbabwe vanodarika mazana maviri nemakumi mashanu vakapihwa mukana wekunodzidza kuAmerica pasi pechirongwa ichi.

Chirongwa ichi chinopa mukana kuvana vane njere asi vachishaya mari yekuti vawane dzidzo yepamusoro soro.

Chirongwa ichi chinoitwa nemizinda yeAmerica munyika gumi neina pasi rose.

XS
SM
MD
LG