Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Zimbabwe Haina Mari Kuti Iite Sarudzo


Gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vanoti hurumende haina mari yekuita sarudzo gore rino kunyange hazvo mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vachiti sarudzo dzinofanirwa kuitwa gore rino. Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau pamusoro pamamiriro akaita hupfumi hwenyika,

VaBiti vati homwe yehurumende yakabooka zvekuti hapakwaniswe kuitwa sarudzo gore rino nepamusana pekuti hurumende inofanirwa kutanga yaverenga zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nereferendamu gore rino.

Va Biti vanoti zvirongwa zviviri izvi zvichatora mari yakawanda iyo mari yacho yagara isiri kukwana.

Mashoko aVaBiti aya anopesana neaVaMugabe avo vanoti sarudzo dzinotofanirwa kuitwa gore rino kunyange zvodii.

Nekune rumwe rutivi, mapoka maviri eMDC ari muhurumende yemubatanidzwa anoti sarudzo idzi hadzifanirwe kuitwa kusvikira misariridzwa yemuchibvumirano chezvematongerwo enyika yazadziswa.

VaBiti vanotiwo mari yekuita hurongwa hwekutsvaga huwandu hwevanhu munyika haisi kukwana zvakare.

Panyaya yehupfumi hwenyika, Va Biti vanoti hurumende yakawana mari inoita mamiriyoni makumi maviri nemasere nezviuru mazana mapfumbamwe emadhora mukutengeswa kwakaitwa fodya kusvika pakupera kwaKukadzi.

Vatiwo bazi ravo harisi kuwana mari yakakwana kubva mukutengeswa kwemangoda ekwa Chiadzwa vachiti kusatambira kuri kuita bazi ravo mari kunogona kukanganisa zvavakanga vakatarisira pavakatura bhajeti renyika regore rino iro rinokosha mabhiriyoni mana emadhora.

XS
SM
MD
LG