Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vaparura neChitatu hurongwa hwemashandisirwo achaitwa mari gore rinouya uho vati hwakanangana nekukwiridzira magariro evanhu, kuvandudza hupfumi hwenyika, pamwe nekugadzirisa zvinhu munyika.
VaBiti vanoti hurumende ichada mari inosvika US$2,25 billion kuita zvose zvinoda, asi iri kutarisira kuti ichakwanisa kuwana mari inosvika US$1,44 billion mugore ra2010. Izvi zvinoreva kuti nyika ichacheredzerwa nemari inoita US$810 kuti ikwanise kuita mabasa ayo ose nemazvo.
Hurumende inoti ichawana mari inoita US$2,018 billion kunze kwenyika kuburikidza nekutengesa zvinhu kunze kwenyika, zvichienzaniswa nemari inoita US$3,498 billion, iyo ichashandiswa mukutenga zvinhu zvinopinda munyika.
Vaimbova gurukota rezvemari, Doctor Herbert Murerwa, vaudza Studio7 kuti VaBiti vaedza nepavanogona napo, kana pachitariswa mamiriro akaita zvinhu munyika.
Asi vaimbova mutevedzeri waVaMurerwa, VaDavid Chapfika, vati havaoni VaBiti vachikwanisa kuita zvose zvavavimbisa. apo vatura bajeti regore rinouya. Dare riri kutarisirwa kuzeya pamwe nekutambira zvaturwa mudare naVaBiti.
VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Institute of Zimbabwe. VaChitambara vanoti hapana zvitsva zvaparurwa naVaBiti sezvo vasina kupa zvikoro nezvipatara mari yakawanda.