Accessibility links

Breaking News

Mumuriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry K. Thomas Jr. Vanotanga Basa Ravo


US Ambassador Harry Thomas Jr.
US Ambassador Harry Thomas Jr.

Mumiriri mutsva weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry K. Thomas Jr., vatanga basa munyika zviri pamutemo neChina mushure mekupa magwaro avo ebasa kumutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mumiriri mutsva weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry K. Thomas Jr., vatanga basa munyika zviri pamutemo neChina mushure mekupa magwaro avo ebasa kumutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mumashoko avo mumushure memusangano naVaMugabe Ambassdor Thomas Jr vavimbisa VaMugabe kuti vacharamba vachishanda mukugadzirisa hukama hwenyika mbiri idz.

VaThomas Junior, avo vakamboshanda muZimbabwe kumuzinda weAmerica, vati vari kufara zvikuru kudzoka kuzoshanda zvekare muZimbabwe.

Vati Zimbabwe inyika yakakomborerwa zvikuru nezviwanikwa uye vanhu vayo vane rufaro.

VaThomas vati vanoda zvikuru kuti vaenderere mberi nekuvaka hukama pakati peAmerica neZimbabwe.

Vati vapawo VaMugabe mashoko akakosha kubva kumutungamiri wenyika yeAmerica, VaBarack Obama.

Vatiwo vaudza VaMugabe kuti America inodisa zvikuru kuti idyidzane neZimbabwe.

VaThomas vati America yakagara yazvipira kubva muna 1980 apo Zimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere kuti nyika mbiri idzi dzishande dzose mukukurudzira hutongo hwejekerere, hupfumi, kubatsira munyaya dzezvehutano zvikuru mukurwisa chirwere chemukondombera, uye kuwanisa vanhu vemuZimbabwe zvekudya.

Vati kuti izvi zviitike, vachashanda nehurumende uye masangano akazvimirira oga.

Vatiwo muzinda weAmerica uchashanda nevemabhizimisi vemuZimbabwe kuti vadyidzane nevekuAmerica uye vachaonawo kuti vamwe vadzidzi vemuZimbabwe vawana mukana wekunodzidza kuAmerica.

Mumiriri weAmerica mutsva uyu atiwo America iri kuvaka muzinda mutsva muZimbabwe nemari inosvika mamiriyoni makumi matatu emadhora uye iri kutarisira kuti vanhu vemuZimbabwe mazana manomwe nemakumi mashanu vachawana mabasa pakuvaka apa.

Mumwe mugari wemuHarare, VaThomas Dziya, vati vanotarisira kuti mumiriri mutsva uyu achagadzirisa hukama hweZimbabwe neAmerica uhwo husina kumira zvakanaka.

Mumwe mugari wemuHarare, VaMalven Mukundu. vatiwo Zimbabwe ingabatsirike zvikuru kana hukama pakati penyika mbiri idzi hukagadziriswa.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vati kunyange hazvo America yakatemera VaMugabe nevamwe vavo zvirango, hukama hwenyika mbiri idzi hunofanira kugadziriswa kuti Zimbabwe iwane rubatsiro kubva kuAmerica zvikuru sei panguva ino nyika yakatarisana nenzara inotyisa.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekunze kwenyika, VaKindness Paradza veZanu PF, vaudza Studio 7 kuti Ambassador Thomas vanofanira kuona kuti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo zvabviswa. Vati iri ndiro basa guru ravainaro rakatadzwa nevamwe vavo vakabva muZimbabwe.

Nemusi weMuvhuro gurukota rezvekunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, vakashora nyika dzakaita se America, Australia ne European Union nekutemera Zimbabwe zvirango zvehupfumi vachiti zvinokanganisa Zimbabwe apo iri kuedza kudyidzana nenyika dzepasi rese.

Ambassador Thomas vari kutora basa rakaisiiwa naVaBruce Wharton avo vakapihwa chigaro chepamusoro muhurumende yenyika yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG