Mutungamiri weMDC-T, Va Morgan Tsvangirai, vaparura neChina chirongwa chekukurudzira mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nehurumende yavo kuti vavandudze mitemo yose inobata nyaya dzesarudzo.
Vachiparura chirongwa ichi pamusangano wavaita nevatsigiri vavo mumusha unogara veruzhinji mu Glen View mu Harare, Va Tsvangirai vati bato ravo harisi kuzopinda musarudzo dzose dzichaitwa kudzamara mitemo yose ine chekuita nesarudzo yavandudzwa.
Vatiwo bato ravo rakaona zvakakodzera kuti risapinde musarudzo dzema bye elections dzekutsiva nhengo dzeMDC Renewal Team dzavakadzinga muparamende vachiti zvaiva pachena kuti Zanu PF yaizoshandisa chikiribidi kuti ikunde musarudzo idzi idzo dzichaitwa musi wa 10 Chikumi.
Asi murongi wemisangano muZanu PF, Va Saviou Kasukuwere, vaudza Studio 7 parunhare kuti MDC-T yanga yagara ichakundwa musarudzo idzi sezvo vachiti bato ravo riri kutsigirwa nevanhu vakawanda.
Vati mashoko aVa Tsvangirai aya ndeemunhu ane bato riri kutya kukundwa musarudzo vachiti MDC-T haina zvainokwanisa kuitira vanhu.
VaTsvangirai vatiwo chave kudikanwa ndechekuti chizvarwa chese cheZimbabwe chikwanise kuvhota chero chine chitupa vachiti mapato anopikisa haasi kukwanisa kuwana gwaro revavhoti pamberi pesarudzo.
Vashorawo komisheni inowona nezvekufambiswa kwesarudzo vachiti izere vasori, vari muchiuto pamwe nemapurisa avanoti akarekera kudivi re Zanu PF.
Va Tsvangirai vakurudzirawo veruzhinji kuti varatidzire kusafara kwavo nenyaya yemitemo inobata sarudzo vachiti vachazivisa veruzhinji kuti kuratidzira uku kuchaitwa nemutowo upi kana nguva yacho yakwana.
Zvichakadai, Va Tsvangirai vakatarisirwa kuita mumwe musangano ku Masvingo mukupera kwesvondo kwavakatarisirwa kusimudzira nyaya iyoyi yekukurudzira kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo.