Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inoti Nhengo Dzayo Dzicharamwa Mabasa neNyaya yeMihoro


Sangano re Progressive Teachers Union Of Zimbabwe, (PTUZ), riri kukurudzira hurumende kuti iwedzere mari inotambirwa nevadzidzisi kuitira kuti vasaramwe mabasa panovhurwa zvikoro muna Gunyana.

Mutungamiri we PTUZ, Va Takavafira Zhou, vanoti hurumende inofanirwa kushandisa mari inobva mukutengeswa kwemangoda kuitira kuti ibatsire kuwedzera mihoro yevadzidzisi avo vari kutambira mari iri pakati pezana nemakumi masere emadhora nemazana maviri emadhora.

VaZhou vanoti vadzidzisi vanoda kuwedzerwa muhoro wavo kusvika pamazana mashanu emadhora, kuitira kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo.

VaZhou vanoti vachayedza kuramba vachitaurirana nehurumende kuitira kuti vana vezvikoro vasakanganiswe pachavhurwa zvikoro muna Gunyana.

XS
SM
MD
LG