Accessibility links

PTUZ Yokumbira Kusangana naVaMugabe naVaTsvangirai Kuti Vagadzirise Mihoro yaVarairidzi

  • Jonga Kandemiiri

Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti rasvitsa tsamba kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, richikumbira kuti vatungamiri vaviri ava vasangane naro senzira yekuedza kugadzirisa makakatanwa ari muhurukuro dzemihoro yevashandi vehurumende.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti sangano ravo harisati rawana zvaro mhinduro kubva kuchikumbiro chaiswa ichi, asi vanoti vanotarisira kuti vaviri ava vachapedza zvakare gakava iri sezvavakamboita gore rapera.

Vashandi vehurumende vari kuda kuwedzerwa mari dzavo dzemihoro kubva pa$258.00 pamwedzi kuenda pa$538.00 pamwedzi kumushandi anotambira mari iri pasi pasi.

PTUZ inoti nhengo dzayo dziri pakuramwa mabasa kubva pakavhurwa zvikoro svondo rapera.
Sangano rinomirira vashandi vehurumende vose, reApex Council, riri kutarisirwa kusangana zvakare neChipiri negurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga.

Sangano iri rakatozivisa kare kuti kana pakasabuda chinhu pamusangano uyu, vashandi vehurumende vose vachapinda pakuramwa mabasa kubva nemusi weChina.

XS
SM
MD
LG