Accessibility links

Breaking News

Matambudziko Oramba Akasona Mhuri Dzakatiza Mafashamu kuMasvingo


Misha yakawanda inonzi yakaparadzwa nemafashamu vanhu vakarasikirwa nemidziyo yavo
Misha yakawanda inonzi yakaparadzwa nemafashamu vanhu vakarasikirwa nemidziyo yavo
Zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvichiomera mhuri dzinodarika zviuru zvitatu dzakatamiswa nekuda kwemafashamu munzvimbo yeTokwe-Mukosi dzichinogariswa patsva kuChingwizi mudunhu reMwenezi kuMasvingo.

Sachigaro vekanzuru yekumaruwa ekwaChivi, uye vari kanzura we Ward 31, VaKiller Zivhu, vanoti svondo rapera matende ari kugarwa nemhuri idzi akaparadzwa zvakare nedutu pamwe nemvura zvakarova nzvimbo iyi.

Vanoti vazhinji vemhuri idzi vakabatwawo nezvirwere zvemanyoka munguva iyi, kunyange hazvo pari zvino chirwere ichi chakwanisa kurwiswa.

VaZivhu vanoti rimwe dambudziko rakatarisana nemhuri idzi nderechikafu nembatya, sezvo zvishoma zvavakanga vasara nazvo pamafashamu ekuTokwe-Mukosi zvakaparadzwa zvakare nemvura pakaparadzwa matende avo.

Mhuri idzi dzinonzi dziri kutarisirwa kubviswa zvakare munzvimbo yeChingwizi sezvo nzvimbo iyi ichinzi ine mangoda, ayo anotarisirwa kucherwa zvakare chero nguva.

Hurumende inonzi yakawana nzvimbo yekuendesa mhuri idzi, kunyange hazvo isati yadoma kuti ndekupi.

Asi pane fungidziro yekuti dzimwe mhuri dzinganogariswa kuMazowe mudunhu reMashonaland Central kana kuMarondera kuMashonaland East.

VaZivhu vanoti kunyange hazvo dzimwe mhuri dzakawana mekupfekerwa kuti dzigare zvachose, hurumende inofanirwa kukasika kutsvagira vasara ava pekugara nguva isati yaenda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG