Accessibility links

Breaking News

Nhumwa yeUnited Nations, Amai Navi Pillay, Voongorora Kodzero dzeVanhu muZimbabwe


Mukuru anoona nezvekodzero dzevanhu musangano re United Nations – Human Rights Commission, Amai Navi Pillay, vatanga neMuvhuro kuita misangano yekuongorora nyaya dzekodzero dzevanhu munyika.

Vachisvika muHarare neSvondo, Amai Pillay vakaudza vatori venhau panhandare yendege, Harare International Airport, kuti vachaita misangano yakati wandei ine zvekuita nenyaya dzekodzero dzevanhu.

Mutauriri wa Amai Pillay, Va Rupert Colville, vanoti vaita misangano negurukota rezvemitemo, Va Patrick Chinamasa, mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaGodfrey Chidyausiku, pamwe negurukota rezvevashandi nekugara kwakanaka kwevanhu, Amai Paurina Gwanyanya Mpariwa.

Mushure memusangano uyu, VaChinamasa vaudza vatori venhau kuti Zimbabwe inyika inoremekedza kodzero dzevanhu vachiti kune masangano ari kuburitsa nyaya vaine chinangwa chekusvibisa hurumende. VaChinamasa vatiwo vanhu vamuZimbabwe havadi nyaya dzechingochani, vachitiwo zvido zvengochani hazvisi kuzotambirwa muZimbabwe.

Amai Pillay vakatarisirwa kusangana kuseneti nevemasangano anoshanda akazvimirira. Asi mamwe emasangano aya, ayo anosanganisira Zimbabwe Lawyers for Human Rights pamwe ne Zimbabwe Human Rights NGO Forum anoti haasi kuzoenda kumusangano uyu, achiti mamwe masangano akakokwa nehurumende kuti apinde mumusangano uyu, haasi masangano akamira pachokwadi munyaya dzezvekodzero dzevanhu.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Va Abel Chikomo, vaudza vatori venhau kuti hurumende yakakoka masangano akaita se Affirmative Action Group pamwe naVa Goodson Nguni, avo vanove mutsigiri weZanu PF kuti vazopa humbowo kuna Amai Pillay mumusangano uchaitwa neChipiri.

VaChikomo vati havasi kuda kuenda kumusangano uyu kuseneti vachiti venenge vasina kuchengetedzeka zvakakwana sezvo kwakamborohwa vanhu nevechidiki ve Zanu PF munguva yapfuura paizeyewa bhiri rezvekodzero dzevanhu.

Vamwe vakuru vemasangano aya vanga vari pamusangano waitwa nemasangano aya nevatori venhau vanosanganisira sachigaro we National Constitutional Assembly, Va Lovemore Madhuku, pamwe nemukuru we Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Irene Petras.

Muzvare Petras vati vanhu vakokwa nehurumende ava havazofi vakataura chokwadi chemamiriro akaita zvinhu munyika panyaya dzekodzero dzevanhu uye vati masangano avo achaungana panzvimbo yavagara vakaronga kusangana naAmai Pillay.

Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nevamwe vavo vakatemerwa zvirango nenyika dzekumavirira nepamusana pekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika pamwe nekubiridzira musarudzo. Vanhu vakawanda vanonzi vakakuvara uye vamwe vakafa pamhirizhonga yakaita pasarudzo dzechipiri dzekutsvaga mutungamiri wenyika muna 2008.

Amai Pillay vachange vari munyika kwesvondo mushure mekukokwa nehurumende.

XS
SM
MD
LG