WASHINGTON —
Mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanoti nyaya yapa kuti zvinhu munyika zviite mhidigori inyaya yekutadza kutonga kwemutungamiri wenyika aripo, VaRobert Mugabe.
VaNgarivhume vanoti nyika pari zvino yakatarisana nematambudziko akawanda anosanganisira kushaikwa kwemabasa nekuda kwekuvharwa kwemaindasitiri uye kushaikwa kwechikafu.
Bato raVaNgarivhume riri kukwikwidza musadzo dzema by–elections kunyange haro risiri kuvhoterwa nevanhu vakawanda.